2 Zvino Rute muMoabhu akati kuna Naomi, “Regai ndiende kuminda ndinonongera zviyo zvinosara ndiri shure kwaani zvake achandiitira nyasha.”
4 Panguva iyoyo Bhoazi akasvika achibva kuBheterehema ndokukwazisa vacheki achiti, “Jehovha ave nemi!”
5 Bhoazi akabvunza mutariri wavacheki akati, “Ko, mukadzi wechidiki uyo ndewani?”
6 Mutariri akapindura akati, “Mukadzi wechiMoabhu akadzoka pamwe chete naNaomi vachibva kuMoabhu. 7 Ati, ‘Ndapota nditenderei kunongera ndichiunganidza pakati pezvisote ndiri mushure mavacheki.’ Abva aenda mumunda akashanda nesimba kubva mangwanani kusvikira zvino, kunze kwenguva pfupi yaazorora ari mudumba iro.”
8 Saka Bhoazi akati kuna Rute, “Chinzwa, mwanasikana wangu. Usaenda kunonongera uri kuno mumwe munda uye usaenda kure uchibva pano. Gara pano navashandi vangu vechisikana ava. 9 Utarire munda uyo waunoona varume vachicheka, ugotevera mushure mavasikana. Ndarayira majaya kuti arege kukubata. Uye paunonzwira nyota, uende kunonwa mvura mumidziyo iyo yazadzwa namajaya.”
10 Ipapo, akawira pasi nechiso chake akatsikitsira pasi. Akashamisika, akati, “Zvaita sei kuti ndiwane nyasha dzakadai pamberi penyu kuti mundione ini mutorwa?”
11 Bhoazi akapindura achiti, “Ndakaudzwa pamusoro pezvose zvawakaitira vamwene vako kubva pakufa kwomurume wako, uye kuti wakasiya sei baba vako namai vako uye nenyika yokwako ukauya kuzogara navanhu vawakanga usingazivi. 12 Jehovha ngaakuripire pane zvawakaita. Jehovha, Mwari waIsraeri, ngaakupe mubayiro uzere, iye wawakauya ukavanda pasi pamapapiro ake.”
13 Rute akati, “Regai ndirambe ndichiwana nyasha pamberi penyu, ishe wangu. Mandinyaradza uye mataura netsitsi kumurandakadzi wenyu kunyange ndisina kufanana navamwe varandakadzi venyu.”
14 Panguva yokudya, Bhoazi akati kwaari, “Uya kuno. Tora chingwa udye uchiseva muvhiniga iyi.”
17 Naizvozvo Rute akanongera ari mumunda kusvikira manheru. Ipapo akapura bhari raakanga aunganidza, rikasvika pachiero cheefa*marita angaita 22. 18 Akaritakura akaenda naro kuguta, vamwene vake vakaona kuti akanga aunganidza zvakadini. Rute akavigirawo vamwene vake zvaakanga asiya paakanga adya akaguta.
19 Vamwene vake vakamubvunza vakati, “Nhasi wanga uchinongera uri kupiko? Washandirepi? Ngaaropafadzwe murume uyo akuona.”
20 Naomi akati kumuroora wake, “Jehovha ngaamuropafadze! Iye asina kurega kuratidza tsitsi kuvapenyu navakafa.” Akatizve, “Murume iyeye ihama yedu yapedyo; mumwe wavadzikinuri vedu.”
21 Ipapo Rute muMoabhu akati, “Abva ati kwandiri, ‘Gara navashandi vangu kusvikira vapedza kucheka zviyo zvangu zvose.’ ”
22 Naomi akati kuna Rute muroora wake, “Zvichava zvakanaka kwauri mwanangu, kuti uende navasikana vake, nokuti ukaenda mumunda womumwe ungazokanganiswa.”
23 Saka Rute akagara pedyo navasikana vaishandira Bhoazi achinongera kusvikira kuchekwa kwegorosi nebhari kwapera. Uye iye akagara navamwene vake.
<- Rute 1Rute 3 ->- a marita angaita 22