Link to home pageLanguagesLink to all Bible versions on this site
11
Vakasara vavaIsraeri
1 Zvino ndinobvunza ndichiti: Mwari akarasa vanhu vake here? Kwete napaduku pose! Nokuti ini pachangu ndiri muIsraeri, chizvarwa chaAbhurahama, ndiri worudzi rwaBhenjamini. 2 Mwari haana kurasa vanhu vake, avo vaakaziva pakutanga. Hamuzivi here zvinorehwa noRugwaro pandima inotaura nezvaEria, kuti akakumbira sei kuna Mwari pamusoro peIsraeri achiti, 3 “Ishe vakauraya vaprofita venyu uye vakaputsa aritari dzenyu; ndini ndoga ndasara, uye vari kuedza kundiuraya”? 4 Uye Mwari akamupindura achiti kudiniko? “Ndakazvichengetera varume zviuru zvinomwe vasina kupfugamira Bhaari.” 5 Saizvozvowo, panguva ino varipo vakasara, vakasanangurwa nenyasha. 6 Uye kana zvava zvenyasha, saka hazvichisiri zvamabasa; kana dai zvaiva zvakadaro, nyasha hadzaizova nyasha.

7 Zvino tichatiiko? Zvakatsvakwa navaIsraeri nokushingaira havana kuzviwana, asi vasanangurwa ndivo vakazviwana. Vamwe vakaomeswa mwoyo, 8 sezvazvakanyorwa zvichinzi:

“Mwari akavapa mweya wehope,
meso kuti vasaona,
nzeve kuitira kuti vasanzwa,
kusvikira nanhasi uno.”
9 Uye Dhavhidhi anoti:
“Tafura yavo ngaive musungo neriva,
nechigumbuso uye nechinotsiva kwavari.
10 Meso avo ngaasvibirwe kuti vasaona;
uye mukotamise misana yavo nokusingaperi.”
Mapazi akasimwa pane mimwe miti
11 Zvakare ndinobvunza ndichiti: Ko, vakagumbuswa vakawa zvokusazomukazve here? Kwete napaduku pose! Asi kuti nokuwa kwavo ruponeso rwakauya kune veDzimwe Ndudzi kuti Israeri ive negodo. 12 Zvino kana kudarika kwavo kuchipfumisa nyika, uye kurasikirwa kwavo kuchireva pfuma kune veDzimwe Ndudzi, kuzara kwavo kuchauyisa pfuma yakakura zvakadii!

13 Ndiri kutaura kwamuri imi veDzimwe Ndudzi. Sezvandiri mupostori weveDzimwe Ndudzi, ndinokudza ushumiri hwangu 14 netariro yokuti zvimwe ndingamutsa godo kuvanhu vangu uye ndiponese vamwe vavo. 15 Nokuti kana kuraswa kwavo kuri kuyananiswa kwenyika, ko, kugamuchirwa kwavo kuchagoveiko, asi upenyu kubva kurufu? 16 Zvino kana chikamu chechikanyiwa chakapiwa sechibereko chokutanga chiri chitsvene, saka chikanyiwa chose chitsvene; kana mudzi uri mutsvene namatavi acho akadarowo.

17 Kana mamwe matavi akavhuniwa, uye imi, kunyange muri muorivhi wokudondo, wakabatanidzwa pakati pamamwe, zvino mava nomugove pamwe chete nawo kubva pamudzi womuorivhi, 18 musazvikudza pamusoro pamatavi ayo. Kana muchizvikudza murangarire izvi: Hamuzimi makatakura mudzi, asi kuti mudzi ndiwo wakakutakurai. 19 Zvino iwe uchati, “Matavi akavhuniwa kuti ini ndibatanidzwe.” 20 Ndizvozvo. Asi akavhuniwa nokuda kwokusatenda, uye iwe unomira nokutenda kwako. Usazvikudza, asi uve nokutya. 21 Nokuti kana Mwari asina kurega matavi okutanga, haangakuregi newewo.

22 Naizvozvo nyatsofunga pamusoro pounyoro nokukasharara kwaMwari; kukasharara kuna vakawa, asi unyoro kwauri, kana ukaramba uchifamba muunyoro hwake. Kana zvikasadaro newewo uchatemwa. 23 Uye kana vakasarambirira pakusatenda, vachabatanidzwa, nokuti Mwari anogona kuvabatanidza zvakare. 24 Nokuti, kana iwe wakatemwa kubva pamuorivhi womumunda pakusikwa kwawo, uye ukabatanidzwa pamuorivhi womumunda zvichipesana namasikirwo azvo, ko, kuzoti ayo agara ari epo achazofara sei kuti abatanidzwezve mumuti wawo womuorivhi?

Israeri yose ichaponeswa
25 Hama dzangu, handidi kuti musaziva, chakavanzika ichi, kuti murege kuva namanyawi: vaIsraeri vakaomeswa mwoyo kusvikira veDzimwe Ndudzi vakakwana vapinda. 26 Naizvozvo Israeri yose ichaponeswa, sezvazvakanyorwa zvichinzi:
“PaZioni pachabuda musununguri;
achabvisa kusada Mwari kuna Jakobho.
27 Uye iyi ndiyo sungano yangu navo
kana ndabvisa zvivi zvavo.”

28 Kana zviri zvevhangeri, ivo vavengi nokuda kwenyu; asi kana kuri kusanangurwa, vadikanwi nokuda kwamadzibaba, 29 nokuti zvipo zvaMwari nokudana kwake hazvishandurwi. 30 Nokuti sezvo imi makanga musingateereri Mwari pane imwe nguva magamuchira ngoni zvino nokuda kwokusateerera kwavo, 31 saizvozvo naivowo zvino havachateereri kuitira kuti vagamuchire ngoni nokuda kwengoni dzaMwari kwamuri. 32 Nokuti Mwari akapfigira vanhu vose pakusateerera kwavo, kuti avanzwire ngoni vose.

Mamwe Mashoko
33 Haiwa, udzamu hwokupfuma kwouchenjeri noruzivo rwaMwari!
Kutonga kwake hakunganzverwi, uye makwara ake haangarondwi!
34 “Ndianiko akaziva pfungwa dzaShe?
Kana akava mupi wake wamazano?”
35 “Ndianiko akambopa kuna Mwari
kuti Mwari angamuripirazve?”
36 Nokuti zvose zvinobva kwaari uye zviripo kubudikidza naye uye zvose ndezvake.
Ngaave nokubwinya nokusingaperi! Ameni.

<- VaRoma 10VaRoma 12 ->