2 Mutumwa wokutanga akaenda akandodurura ndiro yake panyika, maronda akaipa, anorwadza akabuda muvanhu vakanga vano mucherechedzo wechikara uye vachinamata mufananidzo wacho.
3 Mutumwa wechipiri akadurura ndiro yake pagungwa, rikashanduka rikava ropa seromunhu akafa, uye zvipenyu zvose zvomugungwa zvikafa.
4 Mutumwa wechitatu akadurura ndiro yake panzizi nomumatsime emvura, zvikava ropa. 5 Ipapo ndakanzwa mutumwa aichengeta mvura achiti:
8 Mutumwa wechina akadurura ndiro yake pazuva, zuva rikapiwa simba rokupisa vanhu nomoto. 9 Vakapiswa nokupisa kukuru vakatuka zita raMwari, iye akanga ane simba pamusoro pamatambudziko aya, asi vakaramba kutendeuka kuti vamukudze.
10 Mutumwa wechishanu akadurura ndiro yake pamusoro pechigaro choushe chechikara, umambo hwacho hukakandwa murima. Vanhu vakatsenga rurimi mukurwadziwa 11 vakatuka Mwari wokudenga nokuda kwokurwadziwa kwavo namaronda avo, asi vakaramba kutendeuka pane zvavakanga vaita.
12 Mutumwa wechitanhatu akadurura ndiro yake parwizi rukuru Yufuratesi, mvura yarwo ikapwa kuti nzira yamadzimambo okumabvazuva ivepo. 13 Ipapo ndakaona mweya yakaipa mitatu yakanga yakaita samatafi; yakabuda mumuromo meshato, mumuromo mechikara nomumuromo momuprofita wenhema. 14 Iyi ndiyo mweya yamadhimoni inoita zvishamiso nezviratidzo, uye inobuda ichienda kumadzimambo enyika yose, kundovaunganidza kuti vandorwa pazuva guru raMwari Wamasimba Ose.
17 Mutumwa wechinomwe akadurura ndiro yake mudenga, mutemberi mukabuda inzwi guru richibva pachigaro choushe, richiti, “Zvaitwa!” 18 Ipapo kwakava nokupenya kwemheni, maungira okutinhira mabhananʼana, maungira okutinhira, nokudengenyeka kwenyika kukuru. Hakuna kumbova nokudengenyeka kwenyika kwakadaro kubva pakutanga kwavanhu kugara panyika; kwaiva kudengenyeka kukuru kwazvo. 19 Guta guru rakatsemuka rikaita mapandi matatu uye maguta endudzi akakoromoka. Mwari akarangarira Bhabhironi guta guru akaripa mukombe uzere newaini yokutsamwa kwehasha dzake. 20 Zvitsuwa zvose zvakatiza uye makomo haana kugona kuwanikwa. 21 Kudenga kwakabva chimvuramabwe chikuru chaiva neibwe rairema tarenda uye ibwe rimwe nerimwe rakawira pavanhu. Uye vakatuka Mwari nokuda kwedambudziko rechimvuramabwe, nokuti dambudziko iri rakanga rakaipa kwazvo.
<- Zvakazarurwa 15Zvakazarurwa 17 ->