FIRIMONI
1 Pauro, musungwa waKristu Jesu, naTimoti hama yedu, kuna Firimoni shamwari yedu inodikanwa uye nomushandi pamwe chete nesu, 2 kuna Afia hanzvadzi yedu, kuna Akipo murwi pamwe chete nesu uye nokukereke inosangana mumba mako:
12 Ndiri kumudzosera kwauri, iye mwoyo wangu chaiwo. 13 Ndaida kuti iye agare neni kuti agotora nzvimbo yako pakundibatsira zvandiri muusungwa nokuda kweVhangeri. 14 Asi handina kuda kuita chinhu iwe usina kuchitendera, kuitira kuti zvose zvakanaka zvauchaita zvirege kuva zvokurovedzerwa asi nokuda kwako. 15 Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa naye kwechinguva kuti ugozova naye nokusingaperi, 16 asisiri somuranda, asi ava nani kupfuura muranda, sehama inodikanwa. Munhu anodikanwa kwandiri, asi kutonyanya kwauri, zvose somunhu uye sehama muna She.
17 Saka kana uchindiona somumwe wako, mugamuchire sokugamuchira kwaungandiita. 18 Kana ane zvaakakutadzira kana kuti ane mungava newe, uzvireve kwandiri. 19 Ini, Pauro, ndanyora izvi noruoko rwangu. Ndichazviripira, ndisingarevi kuti iwe pachako uri mungava kwandiri. 20 Hama, ndinoshuva, kuti ndiwane rubatsiro kubva kwauri muna She; zorodza mwoyo wangu muna Kristu. 21 Ndanyora kwauri ndichivimba nokuteerera kwako, ndichiziva kuti uchaita kunyange kupfuura zvandakukumbira.
22 Uye chimwe chinhuzve: Ndigadzirirewo pokugara, nokuti ndinotarira kuti ndichapiwa kwamuri pakupindurwa kweminyengetero yenyu.