25 Matania Bhakibhukia, Dhadhia, Meshurami, Taramani, naAkubhi vakanga vari varindi vemikova namatura. 26 Vakashumira pamazuva aJehoyakimi mwanakomana waJeshua, mwanakomana waJozadhaki, nomumazuva aNehemia mubati naEzira muprista nomunyori.
31 Ipapo ndakakwidza vatungamiri vavaJudha pamusoro porusvingo. Ndakarayirawo mapoka makuru maviri avaimbi kuti vavonge vachifamba mumudungwe. Rimwe boka rakafamba pamusoro porusvingo kurudyi, rakananga kuMukova weNdove. 32 Hoshaya nehafu yavatungamiri vaJudha vakavatevera, 33 pamwe chete naAzaria, Ezira, Mesharami, 34 Judha, Bhenjamini, Shemaya, naJeremia, 35 pamwe chete navamwe vaprista vaiva nehwamanda, uyewo naZekaria mwanakomana waJonatani, mwanakomana waShemaya, mwanakomana waMatania, mwanakomana waMikaya, mwanakomana waZakuri, mwanakomana waAsafi, 36 nehama dzake vanaShemaya, Azareri, Mirarai, Girarai, Maai, Nataneri, Judha naHanani nemidziyo yokuimbisa yakarayirwa naDhavhidhi munhu waMwari. Ezira munyori akavatungamirira ari pamberi. 37 Vakafamba napaSuo reTsime vakarurama kumatanho eGuta raDhavhidhi napamukwidza wokurusvingo uye vakapfuura napamusoro peimba yaDhavhidhi vakananga kuSuo reMvura kumabvazuva.
38 Rimwe boka ravaivonga rakaenda kuruboshwe. Ini ndakavatevera pamwe chete nehafu yavanhu ndiri pamusoro porusvingo, ndikapfuura napashongwe yechoto kusvikira kurusvingo rwakapamhama, 39 napamusoro peSuo raEfuremu, Suo reKare, Suo reHove, Shongwe yaHananeri napaShongwe yeZana, kusvikira paSuo raMakwai. Vakamira paSuo raVarindi.
40 Naizvozvo mapoka maviri avavongi akamira muimba yaMwari, neni ndikaita saizvozvo, pamwe chete nehafu yavabati, 41 navapristawo, vanaEriakimi, Maaseya, Miniamini, Mikaya, Erioenai, Zekaria naHanania, nehwamanda dzavo, 42 uyewo Maaseya, Shemaya, Ereazari, Uzi Jehonani, Marikiya, Eramu naEzeri. Vaimbi vakaimba vachitungamirirwa naJezirahia. 43 Pazuva iro vakabayira zvibayiro zvikuru, vachifara nokuti Mwari akanga avapa mufaro mukuru. Vakadzi navana vakafarawo. Maungira omufaro waiva muJerusarema akanzwika kure kwazvo.
44 Panguva iyoyo varume vakagadzwa kuva vatariri vamatura okuvigira zvaiunganidzwa, uye zvibereko zvokutanga nezvegumi. Vaifanira kuuya nezvaibva muminda yakapoteredza maguta kumatura okuvigira migove yakatarirwa vaprista navaRevhi nomurayiro, nokuti Judha yakafadzwa navaprista navaRevhi vaishumira. 45 Vakaita shumiro yaMwari wavo neshumiro yokunatswa, pamwe chete navaimbi navachengeti vamasuo, sezvazvakanga zvarayirwa naDhavhidhi nomwanakomana wake Soromoni. 46 Nokuti kare kare, mumazuva aDhavhidhi naAsafi, kwaiva navatungamiri vavaimbi nezvenziyo dzokurumbidza nokuvonga Mwari. 47 Saka mumazuva aZerubhabheri naNehemia, vaIsraeri vose vaipa migove yezuva nezuva kuvaimbi navachengeti vamasuo. Vakatsaurawo mugove wavamwe vaRevhi, uye vaRevhi vaitsaurawo mugove wezvizvarwa zvaAroni.
<- Nehemia 11Nehemia 13 ->