3 Vachinzwa izvi, vamwe vadzidzisi vemirayiro vakati mumwoyo yavo, “Munhu uyu ari kumhura Mwari!”
4 Achiziva pfungwa dzavo Jesu akati, “Sei muchifunga zvakaipa mumwoyo yenyu? 5 Ndezvipi zvakareruka, kuti, ‘Zvivi zvako waregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka ufambe’? 6 Asi kuti mugoziva kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi.” Ipapo akati kumunhu uya akanga akafa mitezo, “Simuka, tora bonde rako uende kumba.” 7 Uye murume uya akasimuka akaenda kumba kwake. 8 Vanhu vazhinji pavakazviona, vakazadzwa nokutya uye vakarumbidza Mwari uyo akanga apa simba rakadai kuvanhu.
10 Jesu akati agere mumba maMateo vachidya kudya kwamanheru, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakadya naye navadzidzi vake. 11 VaFarisi vakati vaona izvi, vakabvunza vadzidzi vake vachiti, “Sei mudzidzisi wenyu achidya navateresi navatadzi?”
12 Achinzwa izvi, Jesu akati, “Vasingarwari havatsvagi chiremba, asi vanorwara. 13 Asi endai munodzidza kuti izvi zvinorevei zvinoti, ‘Ndinoda ngoni, kwete chibayiro.’ Nokuti handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi.”
15 Jesu akapindura achiti, “Zvingaitawo here kuti shamwari dzechikomba dzicheme iye achiinavo? Nguva ichasvika iyo chikomba chichabviswa kwavari, ipapo vachatsanya.
16 “Hapana munhu anosonera chigamba chitsva panguo tsaru, nokuti chigamba chichabvarura nguo iya, buri racho richizobva ranyanya. 17 Uye vanhu havangadiri waini itsva muhombodo tsaru. Kana vakadaro, hombodo dzichaputika, waini ichateuka uye hombodo dzichaparara. Kwete, vanodira waini itsva muhombodo itsva uye zvose zviri zviviri zvinochengetedzeka.”
20 Pakarepo mumwewo mudzimai aitambudzwa nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri akauya shure kwake akasvikobata mupendero wenguo yake. 21 Akati nechomumwoyo, “Ndikangobata chete nguo yake, ndichaporeswa.”
22 Jesu akatendeuka akamuona ndokubva ati kwaari, “Tsunga mwoyo mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa.” Mudzimai uyu akabva aporeswa pakarepo.
23 Jesu akati apinda mumba momutongi uya, akawana varidzi venyere navazhinji vaiita mheremhere 24 akati, “Budai panze. Mwanasikana uyu haana kufa asi avete.” Asi vakamuseka. 25 Mushure mokunge vanhu vazhinji ava vabudiswa panze, akapinda akasvikobata mwanasikana uya ruoko achibva amuka. 26 Nhau dzezvakaitika izvi, dzakapararira nedunhu rose.
28 Akati apinda mumba, mapofu aya akauya kwaari, uye Jesu akavabvunza achiti, “Munotenda here kuti ndinogona kukuitirai izvi?”
29 Ipapo akabata meso avo uye akati, “Maererano nokutenda kwenyu, ngazviitwe kwamuri.” 30 Uye meso avo akabva asvinudzwa. Jesu akavayambira chaizvo achiti, “Onai kuti hapana achazviziva izvi.” 31 Asi ivo vakaenda vakataura nezvake mudunhu rose iri.
32 Vakati vachibuda, mumwe murume akanga ari mbeveve uye akabatwa nedhimoni akauyiswa kuna Jesu. 33 Dhimoni rakati radzingwa, munhu uya akanga ari mbeveve akataura. Vanhu vazhinji vakashamiswa uye vakati, “Zvakadai hazvisati zvamboonekwa muIsraeri.”
34 Asi vaFarisi vakati, “Anodzinga madhimoni nomukuru wamadhimoni.”