3 Jesu akatambanudza ruoko rwake akabata murume uya akati, “Ndinoda. Chinatswa!” Pakarepo akabva aporeswa maperembudzi ake. 4 Ipapo Jesu akati kwaari, “Ona kuti hapana waunotaurira uye ugopa chipo chakarayirwa naMozisi sechapupu kwavari.”
7 Jesu akati kwaari, “Ndichauya kuzomuporesa.”
8 Mukuru wezana akapindura akati, “Ishe, handina kukodzera kuti imi mupinde mumba mangu. Asi ingotaurai henyu shoko, uye muranda wangu achapora. 9 Nokuti ini pachangu ndiri munhu anorayirwa, ndine varwi pasi pangu. Ndinoudza uyu kuti, ‘Enda,’ achienda; neuyo ndichimuti, ‘Uya,’ achiuya. Ndinoti kumuranda wangu, ‘Ita izvi,’ achizviita.”
10 Jesu akati anzwa izvi, akashamiswa akati kuna avo vaimutevera, “Ndinokuudzai chokwadi, handisati ndaona munhu ane rutendo rwakadai muIsraeri. 11 Ndinoti kwamuri, vazhinji vachabva kumabvazuva nokumadokero uye vachagara panzvimbo dzavo pamutambo pamwe chete naAbhurahama, Isaka naJakobho muumambo hwokudenga. 12 Asi vadyi venhaka youshe vachakandwa kunze, kurima uko kuchava nokuchema nokurumanya kwameno.”
13 Ipapo Jesu akati kumukuru wezana, “Enda! Zvichaitika sokutenda kwawaita.” Muranda wake akabva apora panguva iyoyo.
16 Ava madekwana, vazhinji vakanga vakabatwa namadhimoni vakauyiswa kwaari, uye akadzinga mweya iyoyo neshoko akaporesa vose vairwara. 17 Izvi zvaizadzisa zvakanga zvataurwa kubudikidza nomuprofita Isaya zvichinzi:
20 Jesu akapindura achiti, “Makava ane mwena yawo, shiri dzina matendere adzo, asi Mwanakomana woMunhu haana paangatsamidza musoro wake.”
21 Mumwewo mudzidzi akati, “Ishe chimboregai nditange ndambonoviga baba vangu.”
22 Asi Jesu akati kwaari, “Nditevere, rega vakafa vavige vakafa vavo.”
26 Akavapindura achiti, “Imi vorutendo ruduku, munotyireiko kudai?” Ipapo akasimuka akatsiura mhepo namafungu uye kukadzikama kwazvo.
27 Varume ava vakashamiswa uye vakabvunza vachiti, “Munhu akaita seiko uyu? Kunyange mhepo namafungu zvinomuteerera!”
30 Nechokure navo, kwakanga kune boka guru renguruve rakanga richifura. 31 Madhimoni akakumbirisa Jesu achiti, “Kana mukatidzinga, titumirei muboka renguruve.”
32 Akati kwaari, “Endai!” Ipapo akabuda akandopinda munguruve, uye boka rose rakamhanya richidzika kumawere amahombekombe rikasvikowira mugungwa dzichibva dzafira mumvura. 33 Vaya vakanga vachifudza nguruve vakamhanya vakandopinda muguta vakandotaura zvose izvi, kusanganisira nezvakanga zvaitika kuvarume vaya vakanga vane madhimoni. 34 Ipapo guta rose rakabuda rikandosangana naJesu. Uye vakati vamuona, vakamukumbirisa kuti abve munyika yavo.
<- Mateo 7Mateo 9 ->