4 Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zvakataurwa kubudikidza nomuprofita achiti:
6 Vadzidzi vakaenda vakandoita sezvavakanga varayirwa naJesu. 7 Vakauya nembongoro nomwana wayo, vakaisa nguo dzavo pamusoro padzo, uye Jesu akagara pamusoro padzo. 8 Vanhu vazhinji vakawarira nguo dzavo mumugwagwa, vamwewo vakatema mapazi emiti vakaawarira mumugwagwa. 9 Vazhinji vakanga vakatungamira mberi navaya vakanga vachitevera vakadanidzira vachiti:
10 Jesu akati apinda muJerusarema, guta rose rakazungunuswa, vakabvunza vachiti, “Ndianiko uyu?”
11 Vazhinji vakati, “Uyu ndiye Jesu, muprofita anobva kuNazareta kuGarirea.”
14 Mapofu navakaremara vakauya kwaari kutemberi, uye akavaporesa. 15 Asi vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro pavakaona zvinhu zvinoshamisa zvaakaita, uye vana vachidanidzira mutemberi vachiti, “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi,” vakatsamwa.
16 Vakamubvunza vachiti, “Uri kunzwa zviri kurehwa navana ava here?”
17 Uye akavasiya akabuda muguta umu akaenda kuBhetani kwaakandovata.
20 Vadzidzi vakati vazviona, vakakatyamara, vakati, “Ko, muonde uyu wabva wasvava pakarepo sei?”
21 Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti kana mune kutenda uye musingakahadziki, hamungaiti zvaitwa kumuonde uyu chete, asi munogonawo kuti kugomo iri, ‘Enda undozvikanda mugungwa’ uye zvichaitika. 22 Kana muchitenda, muchagamuchira zvose zvamunokumbira mukunyengetera.”
24 Jesu akapindura akati, “Nemiwo ndichakubvunzai mubvunzo mumwe chete. Kana mukandipindura ndichakuudzaiwo simba randiri kuita naro zvinhu izvi. 25 Rubhabhatidzo rwaJohani rwakabvepi? Rwakabva kudenga here kana kuvanhu?”
27 Saka vakapindura Jesu vachiti, “Hatizivi.”
29 “Akapindura achiti, ‘Handidi,’ asi pashure akazvidemba uye akazoenda hake.
30 “Ipapo baba vaya vakaenda kuno mumwe mwanakomana vakasvikomuudza zvimwe chetezvo. Iye akapindura achiti, ‘Ndichaenda, baba’ asi haana kuenda.
31 “Ndoupiko pavaviri ava akaita zvaidiwa nababa vake?”
35 “Varimi vakabata varanda vaya, vakarova mumwe, vakauraya mumwe, uye vakataka wechitatu namabwe. 36 Ipapo akatumazve vamwe varanda kwavari, vakawanda kupfuura vokutanga, varimi vakavaitira zvimwe chetezvo. 37 Pakupedzisira akatuma mwanakomana wake kwavari. Akati, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’
38 “Asi varimi pavakaona mwanakomana vakataurirana vakati, ‘Uyu ndiye mudyi wenhaka. Uyai timuuraye, tigotora nhaka yake.’ 39 Saka vakamutora vakamubudisa kunze kwemunda wemizambiringa vakamuuraya.
40 “Naizvozvo, panouya muridzi womunda womuzambiringa achaiteiko kuvarimi avo?”
41 Vakapindura vakati, “Achaparadza varimi vakaipa ava, uye achapa munda womuzambiringa kuna vamwe varimi avo vachazomupa mugove wake wezvirimwa pakukohwa.”
42 Jesu akati kwavari, “Hamuna kutomborava here muMagwaro panoti:
43 “Naizvozvo ndinokuudzai kuti umambo hwaMwari huchatorwa kubva kwamuri huchipiwa kuvanhu vachabereka zvibereko zvahwo. 44 Uyo anowira pamusoro pebwe iri achavhunika kuita zvidimbu zvidimbu asi uyo warichawira achapwanyiwa.”
45 Vaprista vakuru navaFarisi pavakanzwa mifananidzo yaJesu, vakaziva kuti aitaura nezvavo. 46 Vakatsvaka nzira yokuti vamusunge nayo, asi vakatya vanhu vazhinji nokuti vakanga vachiti muprofita.
<- Mateo 20Mateo 22 ->