3 Zvino Herodhi ainge abata Johani akamusunga achibva amuisa mutorongo nokuda kwaHerodhiasi mudzimai waFiripi, mununʼuna wake, 4 sezvo Johani ainge ati kwaari, “Hautenderwi kutora mukadzi uyu.” 5 Herodhi aida kuuraya Johani asi aitya vanhu nokuti vaimuona somuprofita.
6 Asi zuva rokupemberera kuberekwa kwaHerodhi rakati rasvika, mwanasikana waHerodhiasi akatamba pamberi pavo uye zvikafadza Herodhi kwazvo, 7 zvokuti akamuvimbisa nemhiko kuti aizomupa chipi nechipi chaaizokumbira. 8 Arayirwa namai vake mwanasikana akati, “Ndipei pano musoro waJohani Mubhabhatidzi uri mundiro.” 9 Mambo akasuwiswa nazvo, asi nokuda kwemhiko yake uye navaainge agere navo pakudya, akarayira kuti upiwe kwaari, 10 ndokutuma vanhu kundogura musoro waJohani mutorongo. 11 Uye musoro wake wakauyiwa nawo uri mundiro ukapiwa kumusikana, iye akaenda nawo kuna mai vake. 12 Vadzidzi vaJohani vakauya vakatora mutumbi wake vakandouviga. Vakazoenda vakandoudza Jesu.
15 Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakauya kwaari vakati, “Tiri musango, uye kwava kusviba. Endesai vanhu ava, kuti vaende mumisha vandozvitengera zvokudya.”
16 Jesu akapindura achiti, “Havafaniri kuenda. Imi vapei chavangadye.”
17 Ivo vakapindura vakati, “Pano tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri.”
18 Akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.” 19 Uye akarayira kuti vanhu vagare pasi pauswa. Akatora zvingwa zvishanu nehove dziya mbiri akatarira kudenga akavonga, akazviropafadza uye akazvimedura. Ipapo akazvipa kuvadzidzi, vadzidzi vakapa vanhu. 20 Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakaunganidza zvimedu zvainge zvasara zvikazadza matengu gumi namaviri. 21 Vanhu vakadya vaisvika varume zviuru zvishanu pasingaverengwi vakadzi navana.
25 Panguva yechina yousiku Jesu akaenda kwavari, achifamba pamusoro pegungwa. 26 Vadzidzi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa vakatya kwazvo. Vakaridza mhere nokutya vakati, “Hero dzangaradzimu!”
27 Asi pakarepo Jesu akati kwavari, “Musatya, ndini!”
28 Petro akapindura akati, “Ishe, kana murimi ndirayirei kuti ndiuye kwamuri ndichifamba pamusoro pemvura.”
29 Iye akati, “Uya.”
31 Pakarepo Jesu akatambanudza ruoko rwake akamubata, uye akati kwaari, “Iwe wokutenda kuduku, sei wakahadzika?”
32 Uye pavakapinda mugwa, mhepo yakanyarara. 33 Ipapo vaya vaiva mugwa vakamunamata vachiti, “Chokwadi muri Mwanakomana waMwari.”
34 Kuzoti vayambukira mhiri, vakaburukira paGenesareti. 35 Uye varume venzvimbo iyoyo vakati vamuziva, vakatumira shoko mudunhu rose rakapoteredza. Vanhu vakauya navarwere vavo vose kwaari 36 vakamukumbira zvikuru kuti abvumire varwere kuti vangobata mupendero wenguo yake uye vose vakamubata vakaporeswa.
<- Mateo 13Mateo 15 ->