6 Ipapo akavaudza mufananidzo uyu akati, “Mumwe murume akanga ane muti wake womuonde wakanga wakasimwa mumunda wake wemizambiringa, akaenda achindotsvaka muchero kwauri, asi haana chaakawana pauri. 7 Saka akati kumurume akanga achichengeta munda wemizambiringa, ‘Zvino ava makore matatu andanga ndichiuya kuzotsvaka muchero pamuonde uyu uye handisati ndambowana chinhu. Utemere pasi! Seiko uchishandisa ivhu pasina?’
8 “Akapindura akati, ‘Ishe, chimbouregai henyu kwerimwezve gore, ini ndigoutimbira nokuuyisa mupfudze. 9 Kana ukazobereka muchero gore rinouya, zvakanaka! Kana usina, ipapo mungautema henyu.’ ”
14 Mukuru wesinagoge akatsamwa nokuti Jesu akanga aporesa mukadzi uyu nomusi weSabata, akati kuvanhu, “Pane mazuva matanhatu okushanda. Saka munofanira kuuya kuzoporeswa pamazuva iwayo, kwete nomusi weSabata.”
15 Ishe akamupindura achiti, “Imi vanyengeri! Ko, handiti mumwe nomumwe wenyu anosunungura nzombe kana mbongoro yake kubva mudanga, oenda nazvo kundonwa mvura nomusi weSabata here? 16 Zvino mukadzi uyu, mwanasikana waAbhurahama, akanga akasungwa naSatani kwamakore gumi namasere, haaifanira kusunungurwa kubva pane zvakamusunga nomusi weSabata here?”
17 Akati ataura izvozvo, vose vakanga vachipikisana naye vakanyadziswa, asi vanhu vakafadzwa nezvinhu zvinoshamisa zvaakanga achiita.
20 Akabvunzazve akati, “Umambo hwaMwari ndingahufananidza neiko? 21 Hwakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi akaivhenganisa noupfu hwefurau hwakawanda kusvikira yafutisa ganyiwa.”
26 “Ipapo muchati, ‘Taidya uye tainwa pamwe chete nemi, uye maidzidzisa munzira dzomumisha yedu.’
27 “Asi iye achati, ‘Handikuzivei, kana kwamunobva. Ibvai kwandiri, imi mose vaiti vezvakaipa!’
28 “Ipapo pachava nokuchema, nokurumanya kwameno, pamunoona Abhurahama, Isaka naJakobho navaprofita vose vari muumambo hwaMwari, asi imi pachenyu marasirwa kunze. 29 Vanhu vachabva kumabvazuva nokumavirira, nokumusoro nezasi, uye vachagara pazvigaro zvavo pamabiko muumambo hwaMwari. 30 Zvirokwazvo, varipo vaya vokupedzisira vachazova vokutanga, uye vokutanga vachazova vokupedzisira.”
32 Akapindura akati, “Endai munoudza gava iro kuti, ‘Ndichadzinga madhimoni nokuporesa vanhu nhasi namangwana, uye pazuva retatu ndichapedzisa basa rangu.’ 33 Zvisinei hazvo, ndinofanira kuramba ndichishanda mangwana nezuva rinotevera, nokuti zvirokwazvo hakuna muprofita angafira kunze kweJerusarema!
34 “Iwe Jerusarema, Jerusarema, iwe unouraya vaprofita uye uchitaka namabwe avo vakatumwa kwauri, kazhinji sei kandaidisa kuunganidza vana vako pamwe chete, sehuku inounganidza hukwana dzayo pasi pamapapiro ayo, asi ukaramba! 35 Tarira, imba yako yasiyiwa yava dongo. Ndinoti kwauri, hauchazondionizve kusvikira wati, ‘Akaropafadzwa iye anouya muzita raShe.’ ”
<- Ruka 12Ruka 14 ->