1 Uyu ndiwo mugove worudzi rwaManase sedangwe raJosefa, ndiko kuti mugove waMakiri dangwe raManase. Makiri ndiye akanga ari tateguru wavaGireadhi, uye akanga apiwa Gireadhi neBhashani nokuti vaMakiri vakanga vari varwi vakuru. 2 Saka mugove uyu wakanga uri wavanhu vakasara vaManase dzimba dzaAbhiezeri, Hereki, Asirieri, Shekemu, Hefa naShemidha. Izvi ndizvo zvimwe zvizvarwa zvechirume zvaManase mwanakomana waJosefa nedzimba dzavo.
3 Zvino Zerofehadhi mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGireadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, akanga asina vanakomana asi vanasikana chete. Mazita avo aiti Mara, Noa, Hogira, Mirika, naTiriza. 4 Ivo vakaenda kuna Ereazari muprista nokuna Joshua mwanakomana waNuni, nokuvatungamiri vakandoti, “Jehovha akarayira Mozisi kuti atipe nhaka pakati pehama dzedu.” Naizvozvo Joshua akavapa nhaka pamwe chete navanunʼuna vababa vavo, sezvakanga zvarayirwa naJehovha. 5 Mugove waManase waisanganisira matunhu gumi tisingaverengi Gireadhi neBhashani dzaiva kumabvazuva kweJorodhani, 6 nokuti vanasikana vorudzi rwaManase vakapiwa nhaka pakati pavanakomana. Nyika yeGireadhi yakanga iri yezvimwe zvizvarwa zvose zvaManase.
14 Vanhu vaJosefa vakati kuna Joshua, “Makatipireiko mugove mumwe chete nechikamu chimwe chete kuti ive nhaka yedu? Tiri vanhu vazhinji uye Jehovha akatiropafadza zvikuru.”
15 Joshua akapindura achiti, “Kana muri vanhu vazhinji, uye kana nyika yezvikomo yaEfuremu iri diki chaizvo kwamuri, endai kudondo munozvitemera nzvimbo ikoko kunyika yavaPerizi neyavaRefaiti.”
16 Vanhu vaJosefa vakati, “Nyika yamakomo haitikwaniri, uye vaKenani vose vanogara mubani vane ngoro dzesimbi, ivo vose vari muBheti Sheani nemisha yaro pamwe chete navari muMupata weJezireeri.”
17 Asi Joshua akati kuimba yaJosefa, imba yaEfuremu naManase, “Imi muri vanhu vazhinji uye mune simba guru. Hamungave nomugove mumwe chete 18 asi nyika yamakomo ichava yenyu; nokuti kunyange riri dondo, muchafanira kuritema rigova renyu kusvikira kwarinoperera, nokuti munofanira kudzinga vaKenani, kunyange vane ngoro dzesimbi uye vane simba.”
<- Joshua 16Joshua 18 ->