Link to home pageLanguagesLink to all Bible versions on this site
32
Erihu

1 Saka varume vatatu ava vakarega kupindura Jobho, nokuti akanga akarurama pakuona kwake. 2 Asi Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi, wemhuri yaRami, akatsamwira Jobho zvikuru nokuda kwokuzviruramisira kwake panzvimbo yokuti zviitwe naMwari. 3 Akatsamwirawo kwazvo shamwari nhatu idzi, nokuti vakanga vashayiwa nzira yokupikisa nayo Jobho, kunyange vakanga vambomupa mhosva. 4 Zvino Erihu akanga ambomira kutaura naJobho nokuti ivo vaiva vakuru kwaari. 5 Asi paakaona kuti varume vatatu ava vakanga vasisinazve chokureva, hasha dzake dzakamuka.

6 Saka Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi akati:

“Ndiri muduku pamakore,
uye imi muri vakuru;
ndokusaka ndanga ndichitya,
ndisingadi kukuudzai zvandinoziva.
7 Ndakafunga kuti, ‘Zera rinofanira kutaura;
makore mazhinji anofanira kudzidzisa uchenjeri.’
8 Asi ndiwo mweya uri mumunhu,
kufema kwaWamasimba Ose, kunomupa kunzwisisa.
9 Havazi vakuru bedzi vakachenjera,
kana vatana chete vanganzwisisa zvakanaka.
 
10 “Naizvozvo ndinoti: Nditeererei;
neniwo ndichakuudzai zvandinoziva.
11 Ndakambomirira pamaitaura,
ndakateerera pfungwa dzenyu;
pamakanga muchitsvaka mashoko,
12 ndakanyatsokuteererai.
Asi hakuna mumwe wenyu akapwisa Jobho;
hakuna pamuri akapindura mashoko ake zvinogutsa.
13 Regai kuti, ‘Tawana uchenjeri;
regai Mwari amukonese, kwete munhu.’
14 Asi Jobho haana kunongedza mashoko ake kwandiri,
uye handingamupinduri namashoko enyu.
 
15 “Vashamiswa uye havachina chokureva;
vapererwa namashoko.
16 Ko, zvino ini ndingamirira here ivo zvavangonyarara,
zvino zvavangomira ipapo vasina mhinduro?
17 Neniwo ndichava nechokutaura;
neniwo ndichareva zvandinoziva.
18 Nokuti ndizere namashoko,
uye mweya uri mandiri unondimanikidza;
19 mukati mangu ndafanana newaini iri muhomwe yakadzivirwa,
sehomwe itsva dzewaini dzoda kuparuka.
20 Ndinofanira kutaura kuti ndirerukirwe;
ndinofanira kushamisa muromo wangu ndigopindura.
21 Handina munhu wandichatsaura,
uye handingabati kumeso munhu upi zvake;
22 nokuti dai ndaiva nyanzvi yokubata kumeso,
Muiti wangu aizokurumidza kunditora.