9
1 Haiwa, dai musoro wangu waiva chitubu chemvura
uye meso angu riri tsime remisodzi!
Ndingadai ndaichema masikati nousiku
nokuda kwavakaurayiwa vavanhu vangu.
2 Haiwa, dai ndaiva nenzvimbo
mugwenga yokugara yavafambi,
kuitira kuti ndisiye vanhu vangu
ndiende kure navo;
nokuti vose imhombwe,
ungano yavanhu vasina kutendeka.
3 “Vanokunga rurimi rwavo souta,
kuti vapfure nhema;
havaiti nechokwadi
pakukunda kwavanoita munyika.
Vanobva pane chimwe chivi vachienda pane chimwe;
havandizivi ini,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
4 “Chenjererai shamwari dzenyu;
musavimba nehama dzenyu.
Nokuti hama ipi neipi inonyengera,
uye shamwari ipi neipi inoita makuhwa.
5 Shamwari inonyengera shamwari,
uye hakuna anotaura chokwadi.
Vakadzidzisa ndimi dzavo kureva nhema;
vanozvinetsa nokuita zvakaipa.
6 Munogara pakati pounyengeri;
mukunyengera kwavo vanoramba kundiziva ini,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
7 Naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose:
“Tarirai, ndichavanatsa
uye ndichavaedza, ndechipi chimwe chandingaita
nokuda kwechivi chavanhu vangu?
8 Rurimi rwavo museve unouraya;
runotaura nokunyengera.
Nomuromo wake mumwe nomumwe anotaura zvakanaka kune wokwake,
asi mumwoyo make anomuteyera musungo.
9 Ko, handigavarangi nokuda kwechinhu ichi here?”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Ko, handingazvitsiviri
pamusoro porudzi rwakadai here?”
10 Ndichachema uye ndichaungudza nokuda kwamakomo,
uye ndichachema pamusoro pamafuro egwenga.
Aparara uye hakuna anofambako,
uye kukuma kwemombe hakunzwiki.
Shiri dzedenga dzatiza,
uye mhuka dzaenda.
11 “Ndichaita Jerusarema murwi wedongo,
panogara makava;
uye ndichaparadza maguta eJudha,
kuti kurege kuva nomunhu anogarako.”
12 Ndoupiko munhu akachenjera zvokuti anganzwisisa izvi? Ndianiko akarayirwa naJehovha uye angatsanangura izvi? Nemhaka yeiko nyika yanyangadzwa yava dongo ikafanana negwenga risina angapfuura nomo?
13 Jehovha akati, “Nemhaka yokuti vakasiya murayiro wangu, wandakaisa pamberi pavo, havana kunditeerera kana kutevera murayiro wangu. 14 Asi, vakatevera kusindimara kwemwoyo yavo; vakatevera vanaBhaari, sezvavakadzidziswa namadzibaba avo.” 15 Naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, “Tarirai ndichaita kuti vanhu ava vadye zvinovava uye kuti vanwe mvura ino muchetura. 16 Ndichavaparadzira pakati pendudzi dzavasina kumboziva uye dzisina kumbozivikanwa namadzibaba avo, uye ndichavatevera nomunondo kusvikira ndavaparadza.”
17 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose:
“Rangarirai zvino! Danai vakadzi vanochema vauye;
danai vanogonesesa pakati pavo.
18 Ngavakurumidze kuuya
vagochema pamusoro pedu
kusvikira maziso edu ayerera misodzi,
nzizi dzoyerera mumaziso edu.
19 Maungira okuchema anonzwika kubva kuZioni achiti:
‘Haiwa taparadzwa sei!
Haiwa kunyadziswa kwedu kukuru sei!
Tinofanira kusiya nyika yedu
nokuti dzimba dzedu dzava matongo.’ ”
20 Zvino, imi vakadzi, inzwai shoko raJehovha;
dziurai nzeve dzenyu dzinzwe mashoko omuromo wake.
Dzidzisai vanasikana venyu kuungudza;
dzidzisanai kuchema.
21 Rufu rwakapinda napamawindo edu
uye rwapinda munhare dzedu;
rwauraya vana mumigwagwa
namajaya ari munzira dzeguta.
22 Uti, “Zvanzi naJehovha:
“ ‘Zvitunha zvavanhu zvichavata
somupfudze uri pamusoro pomunda,
sezviyo zvakachekwa shure kwavacheki,
zvisina achazviunganidza.’ ”
23 Zvanzi naJehovha:
“Akachenjera ngaarege kuzvirumbidza pamusoro penjere dzake,
kana munhu ane simba pamusoro pesimba rake,
kana akapfuma pamusoro pepfuma yake,
24 Asi anozvirumbidza ngaazvirumbidze pamusoro pezvizvi:
kuti anondinzwisisa uye kuti anondiziva ini,
kuti ndini Jehovha, anoita unyoro,
nokukururamisira, nokururama panyika,
nokuti ndinofarira izvozvi,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
25 “Mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andicharanga vose vakadzingiswa panyama chete, 26 Ijipiti, Judha, Edhomu, Amoni, Moabhu navose vanogara mugwenga kunzvimbo dziri kure. Nokuti ndudzi dzose idzi hadzina kumbodzingiswa, uye kunyange imba yose yaIsraeri haina kudzingiswa, mumwoyo.”
<- Jeremia 8Jeremia 10 ->