5 Nokuti zvanzi naJehovha: “Usapinda muimba mune zvokudya zvamariro: usaenda kundochema kana kuvanzwira tsitsi, nokuti ndabvisa maropafadzo norudo rwangu nengoni dzangu pavanhu ava,” ndizvo zvinotaura Jehovha. 6 “Vose, vakuru navaduku vachafa munyika ino. Havangavigwi kana kuchemwa, uye hakuna munhu achazvicheka kana kuveura musoro wake nokuda kwavo. 7 Hakuna munhu achavapa chokudya kuti vanyarare pakuchema kwavo vakafa, hakuna kunyange baba chaivo kana mai, hakuna kana achavapa mvura yokunwa chaiyo kuti vanyarare.
8 “Newe usapinda muimba inoitirwa mutambo kundogara pasi uchidya nokunwa. 9 Nokuti zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Ndichagumisa panzvimbo ino, muchizviona pamazuva enyu, mheremhere yokupembera nenzwi romufaro uye nenzwi romwenga nerechikomba.
10 “Paunovaudza vanhu ava izvi zvose ivo vakakubvunza vachiti ‘Jehovha aisireiko kwatiri chirevo chenjodzi yakakura kudai? Chakaipa chatakaita ndecheiko? Chivi chedu ndecheiko? Chivi chedu ndecheiko chatakatadzira Jehovha Mwari wedu?’ 11 ipapo uti kwavari, ‘Nemhaka yokuti madzibaba enyu akandisiya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘vakatevera vamwe vamwari vakavashumira uye vakavanamata. Vakandisiya ini uye havana kuchengeta mirayiro yangu. 12 Asi imi makaita zvakaipa kupfuura madzibaba enyu. Tarirai kuti mumwe nomumwe wenyu anotevera sei kusindimara kwomwoyo wake wakaipa pano kuti anditeerere ini. 13 Saka ndichakudzingai panyika ino ndichikuisai kunyika yamusina kumboziva imi kana madzibaba enyu mugondoshumira vamwe vamwari ikoko masikati nousiku, nokuti handingakunzwirei nyasha.’
14 “Kunyange zvakadaro, mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “avasingazotizve, ‘NaJehovha mupenyu iye akabudisa vaIsraeri muIjipiti,’ 15 asi vachati, ‘NaJehovha mupenyu, akabudisa vaIsraeri kubva munyika yokumusoro uye nokubva munyika dzose dzaakanga avadzingira.’ Nokuti ndichavadzoserazve kunyika yandakapa madzitateguru avo.
16 “Asi zvino ndichavatumira varedzi vehove vazhinji,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “vagozovabata. Mushure maizvozvo ndichatumira vavhimi vazhinji, vachavavhima pamusoro pegomo roga roga napamusoro pechikomo choga choga uye nomumapako amatombo. 17 Meso angu ari pamusoro penzira dzavo dzose; hadzina kuvanzika kwandiri, uye chivi chavo hachina kuvanzika pameso angu. 18 Ndichatsiva zvakaipa zvavo nechivi chavo, zvakapetwa kaviri, nokuti vakasvibisa nyika yangu nezvitunha zvezvifananidzo zvavo zvisina maturo, uye vakazadza nhaka yangu nezvifananidzo zvavo zvinonyangadza.”