4 Asi Jehovha akati kuna Gidheoni, “Vanhu vachakangowandisa. Enda navo kumvura, uye ini ndichavasanangurira ikoko. Kana ndikati, ‘Uyu achaenda newe,’ ndiye achaenda; asi kana ndikati, ‘Uyu haafaniri kuenda newe,’ iyeye haaendi.”
5 Saka Gidheoni akatora varume akaburuka navo kumvura. Jehovha akamuudza ikoko kuti, “Paradzanisa avo vanonwa mvura vachikapa norurimi rwavo sezvinoita imbwa kubva kuna avo vanonwa vakapfugama.” 6 Zvino uwandu hweavo vakanwa vachikapa, vachiisa maoko kumiromo yavo, hwakasvika mazana matatu. Vamwe vose vakanwa vakapfugama namabvi avo.
7 Jehovha akati kuna Gidheoni, “Namazana matatu avarume vanwa mvura vachikapa ava, ndichakuponesai uye ndichaisa vaMidhiani mumaoko enyu. Vamwe vanhu vose ngavaende zvavo, mumwe nomumwe kunzvimbo yake.” 8 Saka Gidheoni akaendesa vamwe vose vavaIsraeri kumatende avo asi akasara namazana matatu, avo vakazotora mbuva nehwamanda dzavaya vamwe.
13 Gidheoni akasvika mumwe munhu achiri kurondedzera shamwari yake kurota kwake, achiti, “Ndarota chingwa chakaurungana chichikungurukira mumusasa wavaMidhiani. Charova tende nesimba guru zvokuti tende rakudubuka rikawa.”
14 Shamwari yake yakapindura ikati, “Hachingavi chimwe chinhu kunze kwomunondo waGidheoni mwanakomana waJoashi, muIsraeri. Mwari aisa vaMidhiani nomusasa wose mumaoko ake.”
15 Gidheoni akati anzwa kurota uku nokududzirwa kwokurota kwacho, akanamata Mwari. Akadzoka kumusasa wavaIsraeri akadanidzira achiti, “Simukai! Jehovha aisa musasa wavaMidhiani mumaoko enyu.” 16 Akakamura varume mazana matatu akavaisa mumapoka matatu, akaisa hwamanda nezvirongo zvisina chinhu, asi mwenje mukati, mumaoko avo.
17 Akati kwavari, “Mutarise kwandiri uye mutevedzere zvandinoita. Pandinosvika kumucheto kwomusasa, mubve maita sezvandinoita. 18 Kana ini navose vandinavo tikaridza hwamanda dzedu, ipapo imi mose makapoteredza musasa muridzewo dzenyu mugodanidzira muchiti, ‘Rwirai Jehovha naGidheoni!’ ”
19 Gidheoni navarume zana vaiva naye vakasvika kumucheto kwomusasa pakutanga kwenguva yapakati pousiku yokurinda, pachangoiswa mumwe murindi. Vakaridza hwamanda dzavo uye vakaputsa zvirongo zvaiva mumaoko avo. 20 Mapoka matatu akaridza hwamanda uye akaputsawo zvirongo. Vakabata mwenje mumaoko avo oruboshwe uye vakabata noruoko rworudyi hwamanda dzavaizoridza, vakadanidzira vachiti, “Munondo waJehovha nowaGidheoni!” 21 Murume mumwe nomumwe akaramba ari panzvimbo yake vakapoteredza musasa, vaMidhiani vose vakamhanya vachiridza mhere, vachitiza.
22 Vane mazana matatu pavakaridza hwamanda, Jehovha akaita kuti varume vose mumusasa vapandukirane, vabayane neminondo yavo. Hondo yakatizira kuBheti Shita yakananga kuZerera kusvikira kumuganhu weAbheri Mehora pedyo neTabhati. 23 VaIsraeri vakadanwa kubva kuNafutari, Asheri neManase yose, uye vakatevera vaMidhiani. 24 Gidheoni akatuma nhume munyika yose yezvikomo yaEfuremu achiti, “Burukai tindorwa navaMidhiani titore mvura zhinji dzeJorodhani mberi kwavo kusvikira kuBheti Bhara.”