3 Asi Samusoni akavatamo kusvikira pakati pousiku chete. Ipapo akamuka akabata masasa amasuo eguta, pamwe chete namagwatidziro acho maviri akaavhomora, mazariro nezvose. Akaasimudza pamapfudzi ake akaatakura akaenda nawo pamusoro pechikomo chakatarisana neHebhuroni.
4 Mushure menguva yakati kuti, akadanana nomukadzi aigara muMupata weSoreki; zita rake rainzi Dherira. 5 Vatongi vavaFiristia vakaenda kwaari vakati, “Uone kana ungagona kumunyengetedza kuti akuratidze chakavanzika chesimba rake guru, uye kuti tingamukunda sei kuitira kuti tigomusunga timupfavise. Mumwe nomumwe wedu achakupa mashekeri esirivha mazana gumi nezana rimwe chete[a].”
6 Saka Dherira akati kuna Samusoni, “Ndiudzewoka chakavanzika chesimba rako guru uye kuti ungasungwa sei kuti ukundwe.”
7 Samusoni akamupindura akati, “Kana munhu upi zvake akandisunga netambo itsva nomwe dzisina kuomeswa, ndichava munhu asina simba, somumwewo munhu zvake.”
8 Ipapo vatongi vavaFiristia vakamuvigira tambo nomwe itsva dzisina kuomeswa, akamusunga nadzo. 9 Varume vakavanda mukamuri, akadanidzira kwaari akati, “Samusoni, vaFiristia vasvika!” Asi akadambura tambo zviri nyore sokudambuka kunoita shinda kana yaiswa pedyo nomurazvo womoto. Saka chakavanzika chesimba rake hachina kuzivikanwa.
10 Ipapo Dherira akati kuna Samusoni, “Wandiita benzi; wareva nhema kwandiri. Zvino chindiudza kuti ungasungwa sei?”
11 Iye akati, “Kana munhu akandisunga zvakasimba namabote matsva asati amboshandiswa, ndichava munhu asina simba somumwewo munhu zvake.”
12 Saka Dherira akatora mabote matsva akamusunga nawo. Ipapo, aiva navarume vakanga vakavanda mukamuri, uye akadanidzira kwaari achiti, “Samusoni, vaFiristia vasvika!” Asi akadambura mabote mumaoko ake kunge akanga ari shinda.
13 Ipapo Dherira akati kuna Samusoni, “Kusvikira zvino, wanga uchingondiita benzi uye uchireva nhema kwandiri. Ndiudze kuti ungasungwa sei.”
15 Ipapo akati kwaari, “Unoti ‘Ndinokuda’ sei iwe usingandiudzi zvakavanzika zvako? Aka kava ketatu uchingondiita benzi uye hauna kutongonditaurira chakavanzika chesimba rako guru.” 16 Pakupedzisira mushure mokunge atambudzwa namashoko ake, zuva nezuva, achimugombedzera, akaneta zvokusvika parufu.
17 Saka akamuudza zvose. Akati, “Hapana chisvo chakatomboshandiswa kuveura musoro wangu, nokuti ndakaitwa muNaziri akatsaurirwa kuna Mwari kubva pakuberekwa kwangu. Kana musoro wangu ukaveurwa, simba rangu rinobva pandiri, uye ndinozova munhu asina simba, somumwewo munhu zvake.”
18 Dherira paakaona kuti akanga amuudza zvose, akatuma shoko kuvatongi vavaFiristia achiti, “Dzokai, zvakare; andiudza zvose.” Saka vatongi vavaFiristia vakadzoka vaine sirivha mumaoko avo. 19 Akati amurarisa pamakumbo ake, akadana munhu kuti azoveura mhotsi nomwe dzebvudzi rake, nokudaro akatanga kumukunda. Uye simba rake rakabva paari.
20 Ipapo akadana Samusoni akati, “Samusoni, vaFiristia vasvika!”
21 Ipapo vaFiristia vakamubata vakatumbura meso ake vakamuendesa kundokuya mutorongo. 22 Asi bvudzi romusoro wake rakatanga kukurazve shure kwokumboveurwa.
24 Vanhu vakati vamuona, vakarumbidza mwari wavo vachiti,
25 Vari pakufara kukuru, vakadanidzira vachiti, “Budisai Samusoni kuti auye kuzotitandadza.” Saka vakadana Samusoni kuti abude mutorongo, uye akatamba pamberi pavo.
31 Ipapo vanunʼuna vake nemhuri yose yababa vake vakaburuka, vakandomutora. Vakadzoka naye vakandomuviga pakati peZora neEshitaori muhwiro raManoa baba vake. Akanga atungamirira Israeri kwamakore makumi maviri.
<- Vatongi 15Vatongi 17 ->- a makirogiramu angaita 13