11 Hama dzangu, musarevana. Ani naani anoreva hama yake kana kumutonga anotaura achirwa nomurayiro uye achiutonga. Kana uchitonga murayiro, iwe hauzi kuuchengeta, asi ugere uchitonga uri pauri. 12 Panongova noMupi woMurayiro noMutongi mumwe chete, iye anokwanisa kuponesa kana kuparadza. Asi iwe, ndiwe aniko kuti utonge muvakidzani wako?
Kuzvirumbidza pane Ramangwana
13 Zvino teererai, imi munoti, “Nhasi kana mangwana tichaenda kuguta iri kana iro, tinopedza gore tiriko, tichiita basa uye tichiwana mari.” 14 Asi, imi hamutongozivi zvichaitika mangwana. Upenyu hwenyu chiiko? Muri mhute inoonekwa nguva duku uye ipapo yonyangarika. 15 Asi, munofanira kuti, “Kana Ishe achida, tichararama tigoita ichi nechocho.” 16 Asi zvino munozvikudza uye mune manyawi. Kuzvikudza kwakadaro kwakaipa. 17 Ani naani, zvino, anoziva zvakanaka zvaanofanira kuita akasazviita, ari kutadza.
<- Jakobho 3Jakobho 5 ->