5 Inzwai, hama dzangu dzinodikanwa: Ko, Mwari haana kusarudza varombo venyika ino kuti vave vapfumi mukutenda uye kuti vagare nhaka youmambo hwaakavimbisa avo vanomuda here? 6 Asi imi makazvidza varombo. Ko, havasi vapfumi vanokubirai here? Havazi ivo vanokuendesai kumatare edzimhosva here? 7 Havazi ivo vanomhura zita rinokudzwa raiye wamuri vake here?
8 Kana muchichengeta muchokwadi murayiro woushe unowanikwa muRugwaro, unoti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozvida iwe,” munoita zvakanaka. 9 Asi kana muchitsaura vanhu, muri kutadza uye munotongwa nomurayiro savadariki vomurayiro. 10 Nokuti ani naani anochengeta murayiro wose asi achigumburwa pachinhu chimwe chete ane mhosva yokuputsa murayiro wose. 11 Nokuti iye akati, “Usaita upombwe,” ndiyewo akati, “Usauraya.” Kana usingaiti upombwe asi uchiuraya, wava mudariki womurayiro.
12 Taurai uye muchiita saavo vachazotongwa nomurayiro unopa rusununguko, 13 nokuti kutonga kusinganzwiri ngoni kucharatidzwa kumunhu upi zvake akanga asinganzwiri ngoni. Ngoni dzinokunda kutonga!
18 Asi mumwe achati, “Iwe une kutenda; ini ndine mabasa.”
20 Iwe benzi, unoda kuona kuti kutenda kusina mabasa hakuna maturo here? 21 Tateguru wedu Abhurahama haana kunzi akarurama here nokuda kwezvaakaita paakapa mwanakomana wake Isaka paaritari? 22 Unoona kuti kutenda kwake uye namabasa ake zvaibata pamwe chete, uye kutenda kwake kukazadziswa nezvaakaita. 23 Uye Rugwaro rwakazadziswa runoti, “Abhurahama akatenda Mwari zvikaverengerwa kwaari kuti ndiko kururama,” uye akanzi shamwari yaMwari. 24 Unoona kuti munhu anoruramisirwa nokuda kwezvaanoita, kwete nokutenda bedzi.
25 Saizvozvowo, Rahabhi chifeve haana kunzi akarurama nokuda kwezvaakaita paakapa vasori imba uye akazovaendesa neimwe nzira here? 26 Sezvo muviri usina mweya wakafa, saizvozvo kutenda kusina mabasa kwakafa.
<- Jakobho 1Jakobho 3 ->