21
Chiprofita pamusoro peBhabhironi
1 Chirevo pamusoro peRenje riri pedyo neGungwa:
Kufanana nechamupupuri chinovhuvhuta nomunyika yezasi,
mupambi anouya achibva kurenje,
kubva kunyika inotyisa.
2 Ndaratidzwa chiratidzo chinorwadza.
Mupanduki anopanduka, muparadzi anotora zvokupamba
Eramu, rwisa! Medhia, vandira!
Ndichagumisa kugomera kwose kwaakaita kuti kuvepo.
3 Naizvozvo muviri wangu wakazara nokurwadziwa;
marwadzo akandibata, kufanana nomukadzi ari kusununguka;
ndiri kudzedzereka nezvandinonzwa,
ndakanganisika nezvandinoona.
4 Mwoyo wangu woziya,
kutya kwondidederesa;
rubvunzavaeni rwandaishuva
rwava chinyangadzo kwandiri.
5 Vanogadzira matafura,
vanowaridza micheka pasi,
vanodya, vanonwa!
Simukai, imi machinda,
zodzai nhoo!
6 Zvanzi naIshe kwandiri:
“Endai, mundogadza nharirire
uye muite kuti azivise zvaanoona.
7 Kana achiona ngoro namapoka amabhiza,
navatasvi vari pamusoro pembongoro
kana vatasvi vari pamusoro pengamera,
ngaave akachenjera, akachenjera zvizere.”
8 Ipapo nharirire yakadanidzira ichiti,
“Zuva nezuva, tenzi wangu, ndinomira pamusoro peshongwe yomurindi;
usiku hwoga hwoga ndinogara panzvimbo yangu.
9 Tarirai, hoyo murume ari kuuya ari mungoro
neboka ramabhiza.
Uye anopa mhinduro achiti,
‘Bhabhironi rawa, rawa!
Zvifananidzo zvose zvavamwari
varo zvaputsirwa pasi!’ ”
10 Haiwa, vanhu vangu vapwanyirwa paburiro,
ndinokuudzai zvandanzwa kubva kuna
Jehovha Wamasimba Ose,
kubva kuna Mwari waIsraeri.
Chiprofita pamusoro peEdhomu
11 Chirevo pamusoro peDhuma:
Mumwe anodana kwandiri ari kuSeiri, achiti,
“Nharirire iwe, inguvaiko ino yousiku?
Nharirire iwe, inguvaiko ino yousiku?”
12 Nharirire inopindura ichiti,
“Mambakwedza achauya, asi nousikuwo.
Zvino kana uchida kubvunza, bvunza;
uye ugodzokazve.”
Chiprofita pamusoro peArabhia
13 Chirevo pamusoro peArabhia:
Imi ngoro dzavaDhedhani,
munodzika misasa mumatenhere eArabhia,
14 vigirai vane nyota mvura;
imi munogara muTema,
uyai nezvokudya zvavanotiza.
15 Vari kutiza munondo,
kubva kumunondo wavhomorwa,
nokuuta hwawemburwa,
uye nokupisa kwehondo.
16 Zvanzi naJehovha kwandiri: “Pachinguva chegore rimwe chete, sokuverenga kungaita mushandi akabatwa nechibvumirano, kuzvikudza kwose kweKedhari kuchapera. 17 Varume vouta vachapunyuka, ivo mhare dzeKedhari vachava vashoma.” Jehovha, Mwari weIsraeri ataura.
<- Isaya 20Isaya 22 ->