Link to home pageLanguagesLink to all Bible versions on this site
6
Mafashamu
1 Vanhu vakati vatanga kuwanda panyika uye vanasikana vakaberekwa kwavari, 2 vanakomana vaMwari vakaona kuti vanasikana vavanhu vakanga vakanaka, uye vakazviwanira upi zvake wavakasarudza. 3 Ipapo Jehovha akati, “Mweya wangu haungarambi uchigara mumunhu nokusingaperi, nokuti inyama; mazuva ake achava makore zana namakumi maviri.”

4 VaNefirimu vakanga vari panyika mumazuva iwayo, uyewo mushure maizvozvo, vanakomana vaMwari vakapinda kuvasikana vavanhu vakaita vana navo. Vakanga vari mhare dzakare, vanhu vaiva nomukurumbira.

5 Jehovha akaona kuti kuipa kwomunhu panyika kwakanga kuri kukuru sei, uye kuti ndangariro dzomwoyo wake dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose. 6 Jehovha akazvidemba kuti akanga aita munhu panyika, uye mwoyo wake wakazara nokurwadziwa. 7 Saka Jehovha akati, “Ndichabvisa vanhu pamusoro penyika ivo vanhu vandakaisa, vanhu nemhuka, nezvisikwa zvinokambaira pamusoro pevhu, neshiri dzedenga, nokuti ndinozvidemba kuti ndakazviita.” 8 Asi Noa akawana nyasha pamberi paJehovha.

 
9 Iyi ndiyo rondedzero yezvaNoa.
 
Noa akanga ari munhu akarurama, asina chaanopomerwa pakati pavanhu venguva yake, uye akafamba naMwari. 10 Noa akanga ana vanakomana vatatu vaiti: Shemu, Hamu naJafeti.

11 Zvino nyika yakanga yaora pamberi paMwari uye yakanga yazara nokurwisana. 12 Mwari akaona kuti nyika yakanga yaora sei, nokuti vanhu vose panyika vakanga vaodza nzira dzavo. 13 Saka Mwari akati kuna Noa, “Ndava kuzoisa magumo kuvanhu vose, nokuti nyika yazara nokurwisana nokuda kwavo. Zvirokwazvo ndiri kuzovaparadza vose pamwe chete nenyika. 14 Saka iwe zviitire areka yomuti womusipuresi; uite makamuri mukati mayo uye uiname nenamo mukati nokunze. 15 Uku ndiko kuvaka kwaunofanira kuiita: Areka inofanira kureba makubhiti mazana matatu*mamita angaita 140, upamhi hwayo huve makubhiti makumi mashanumamita angaita 23 uye makubhiti makumi matatumamita angaita 13.5 pakukwirira kwayo. 16 Uite windo uchipoteredza areka ugosiya kubhiti rimwe chete§0.5 yemita kumusoro. Uise mukova parutivi rweareka uye uite muturikidzwa wapasi, wapakati nowapamusoro. 17 Ndichauyisa mvura yamafashamu pamusoro penyika kuti iparadze zvipenyu zvose pasi pedenga, zvisikwa zvose zvino upenyu mazviri. Zvinhu zvose zviri panyika zvichaparara. 18 Asi ndichasimbisa sungano yangu newe, uye uchapinda muareka, iwe navanakomana vako uye nomukadzi wako uye navakadzi vavanakomana vako vari pauri. 19 Unofanira kuisa muareka zviviri zviviri pazvisikwa zvipenyu zvose, chikono nechikadzi, kuti zvirarame pamwe chete newe. 20 Zviviri zviviri kubva kumhando dzose dzeshiri, nokubva kumhando dzose dzemhuka nokuzvisikwa zvose zvinokambaira panyika, zvichauya kwauri kuti zvichengetwe zviri zvipenyu. 21 Unofanira kutora zvokudya zvamarudzi ose zvinofanira kudyiwa ugozvichengeta kuti zvigova zvokudya zvako nezvazvo.”

22 Noa akaita zvose sezvaakanga arayirwa naMwari.

<- Genesisi 5Genesisi 7 ->