5 Abhurahama akasiya zvinhu zvose zvaakanga anazvo kuna Isaka. 6 Asi paakanga achiri mupenyu akapa zvipo kuvanakomana vavarongo vake uye akavabvisa pamwanakomana wake Isaka akavaendesa kumabvazuva.
7 Pamwe chete, Abhurahama akararama makore zana namakumi manomwe namashanu. 8 Ipapo Abhurahama akabudisa mweya wake akafa akwegura kwazvo, ava mutana uye ava namakore mazhinji; uye akasanganiswa navanhu vake. 9 Vanakomana vake Isaka naIshumaeri vakamuviga mubako reMakapera pedyo neMamure, mumunda waEfuroni mwanakomana waZofa muHiti, 10 munda wakanga watengwa naAbhurahama kubva kumuHiti. Ndimo makavigwa Abhurahama nomukadzi wake Sara. 11 Shure kwokufa kwaAbhurahama, Mwari akaropafadza mwanakomana wake Isaka, uyo akagara pedyo neBheeri Rahai Roi.
21 Isaka akanyengeterera mukadzi wake kuna Jehovha, nokuti akanga asingabereki. Jehovha akapindura munyengetero wake, uye mukadzi wake Rabheka akava nemimba. 22 Vana vakanga vachisundana mukati make, iye akati, “Seiko izvi zvichiitika kwandiri?” Saka akaenda kundobvunza Jehovha.
23 Jehovha akati kwaari,
24 Nguva yokubereka kwake yakati yasvika, onei makanga muna vakomana vaviri muchizvaro chake. 25 Akatanga kubuda akanga ari mutsvuku, uye muviri wake wose wakanga wakaita senguo ine mvere; saka vakamutumidza zita rokuti Esau. 26 Shure kwaizvozvo, mununʼuna wake akabuda, ruoko rwake rwakabata chitsitsinho chaEsau; saka akatumidzwa zita rokuti Jakobho. Isaka akanga ava namakore okuberekwa makumi matanhatu Rabheka paakavabereka.
27 Vakomana vakakura, uye Esau akava mudzimba akachenjera, murume wesango, asi Jakobho akanga ari murume akanyarara, achigara pakati pamatende. 28 Sezvo Isaka aifarira nyama yemhuka, aida Esau, asi Rabheka aida Jakobho.
29 Rimwe zuva Jakobho paakanga achibika zvokudya, Esau akasvikopinda achibva kusango, aziya nenzara! 30 Akati kuna Jakobho, “Dokurumidzawozve, undipewo zvimwe zvokudya zvakatsvukira izvo ndidye! Ndava kuziya nenzara!” (Ndokusaka akatumidzwawo zita rokuti Edhomu).
31 Jakobho akapindura akati, “Tanga wanditengesera udangwe hwako.”
32 Esau akati, “Tarira, ndava kuda kufa ini. Ko, udangwe huchandibatsirei?”
33 Asi Jakobho akati, “Tanga wandipikira.” Saka akapika mhiko kwaari, achitengesa udangwe hwake kuna Jakobho.
34 Ipapo Jakobho akapa Esau chingwa nenyemba. Akadya uye akanwa, ipapo akasimuka akaenda.