6 Sara akati, “Mwari andivigira kuseka, uye vose vachanzwa nezvazvo vachaseka neni.” 7 Uye akatizve, “Ndianiko aizoti kuna Abhurahama, Sara achazorera vana? Asi ndamuberekera mwanakomana panguva yokukwegura kwake.”
11 Nyaya iyi yakatambudza Abhurahama zvikuru kwazvo nokuti yaiva nechokuita nomwanakomana wake. 12 Asi Mwari akati kwaari, “Usanyanya kutambudzika hako pamusoro pomukomana uye napamusoro pomurandakadzi wako. Teerera zvaunoudzwa naSara, nokuti muna Isaka ndimo muchaverengerwa vana vako. 13 Ndichaitawo rudzi kubudikidza nomwanakomana womurandakadzi, nokuti naiyewo mwana wako.”
14 Mangwanani akatevera, Abhurahama akatora zvokudya neguchu redehwe rine mvura akazvipa kuna Hagari. Akazviisa pamapfudzi ake ipapo akamuendesa pamwe chete nomukomana. Akaenda uye akadzungaira ari mugwenga reBheerishebha.
15 Mvura yaiva muguchu redehwe yakati yapera, akaisa mukomana pasi pegwenzi. 16 Ipapo akabvapo akandogara pedyo naipapo, nhambwe inenge ingasvika museve, nokuti akafunga mumwoyo make akati, “Handingatariri mukomana achifa.” Uye agere pedyo ipapo akatanga kuchema.
17 Mwari akanzwa mukomana achichema, uye mutumwa waMwari akadana Hagari kubva kudenga akati kwaari, “Zvaita seiko Hagari? Usatya; Mwari anzwa kuchema kwomukomana paakavata apo. 18 Simudza mukomana umubate noruoko, nokuti ndichamuita rudzi rukuru.”
19 Ipapo Mwari akasvinudza meso ake uye akaona tsime remvura. Saka akaenda akandozadza guchu nemvura ndokubva apa mukomana kuti anwe.
20 Mwari akava nomukomana pakukura kwake. Akagara mugwenga akazova munhu aipfura nouta. 21 Paakanga achigara mugwenga reParani, mai vake vakamutsvakira mukadzi aibva kuIjipiti.
24 Abhurahama akati, “Ndinopika.”
25 Ipapo Abhurahama akamhanʼara kuna Abhimereki pamusoro petsime remvura rakanga ratorwa navaranda vaAbhimereki. 26 Asi Abhimereki akati, “Handizivi akaita izvozvo. Iwe hauna kundiudza, uye ndatozvinzwa izvozvo nhasi chaiye.”
27 Saka Abhurahama akauya namakwai nemombe akazvipa kuna Abhimereki, uye varume vaviri ava vakaita sungano. 28 Abhurahama akatsaura sheche nomwe dzamakwayana kubva kuboka, 29 uye Abhimereki akabvunza Abhurahama akati, “Sheche dzamakwai idzi dzawatsaura dzinoreveiko?”
30 Akapindura achiti, “Gamuchira makwayana manomwe aya kubva muruoko rwangu sechapupu chokuti ndini ndakachera tsime iri.”
31 Saka nzvimbo iyo yakanzi Bheerishebha, nokuti varume vaviri ava vakapika mhiko ipapo.
32 Mushure mokuitwa kwesungano paBheerishebha, Abhimereki naPikori mukuru wamauto ake vakadzokera kunyika yavaFiristia. 33 Abhurahama akadyara muti womutamarisiki muBheerishebha, uye ipapo akadana kuzita raJehovha, Mwari Wokusingaperi. 34 Uye Abhurahama akagara munyika yavaFiristia kwenguva refu.
<- Genesisi 20Genesisi 22 ->