6 Fungai Abhurahama kuti, “Akatenda Mwari, uye zvikanzi kwaari ndiko kururama.” 7 Nzwisisai zvino, kuti avo vanotenda ndivo vana vaAbhurahama. 8 Rugwaro rwakaona zviri mberi kuti Mwari aizoruramisa veDzimwe Ndudzi nokutenda, uye rukazivisa zvevhangeri kare kuna Abhurahama kuti, “Ndudzi dzose dzicharopafadzwa kubudikidza newe.” 9 Saka avo vanokutenda ndivo vakaropafadzwa pamwe chete naAbhurahama, murume wokutenda.
10 Vose vanovimba nokuchengeta murayiro vakatukwa, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Vakatukwa vose vasingarambiri pakuita zvinhu zvose zvakanyorwa muBhuku roMurayiro.” 11 Zviri pachena kuti hapana munhu anoruramisirwa nomurayiro pamberi paMwari, nokuti, “Vakarurama vachararama nokutenda.” 12 Murayiro hauna kuvakwa pakutenda; asi hazvo, “Munhu anoita zvinhu izvi achararama nazvo.” 13 Kristu akatidzikinura kubva pakutukwa kwomurayiro paakava chakatukwa iye nokuda kwedu, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Vakatukwa vose vanoturikwa pamuti.” 14 Akatidzikinura kuitira kuti kuropafadzwa kwakapiwa Abhurahama kugosvika kune veDzimwe Ndudzi kubudikidza naKristu Jesu, kuitira kuti nokutenda tigogamuchira chipikirwa choMweya.
19 Zvino, chinangwa chomurayiro chakanga chiri cheiko? Wakawedzerwa nokuda kwokudarika kusvikira Mwana akanga achirehwa nechivimbiso asvika. Murayiro wakashanda kubudikidza navatumwa uye nomurevereri. 20 Kunyange zvakadaro hazvo, murevereri, haamiririri munhu mumwe chete; asi Mwari ndomumwe.
21 Naizvozvo, murayiro unopikisana nechipikirwa chaMwari here? Kwete napaduku! Nokuti kana murayiro wakapiwa wakanga uchigona kupa upenyu, ipapo zvirokwazvo kururama kwaizouyawo nomurayiro. 22 Asi Rugwaro runotaura kuti nyika yose yakapfigirwa nechivi, kuitira kuti chiya chakavimbiswa, chiri chakapiwa kubudikidza nokutenda kuna Jesu Kristu, chipiwe kuna avo vanotenda.
23 Kutenda uku kusati kwasvika, takanga tiri vasungwa vomurayiro, takapfigirwa kusvikira kutenda kuchizoratidzwa. 24 Saka murayiro wakaiswa kuti utitungamirire kuna Kristu kuitira kuti tigoruramisirwa nokutenda. 25 Zvino kutenda zvakwasvika, hatichisiri pasi pomurayiro.