8 “ ‘Asi ndichasiya vamwe, nokuti vamwe venyu vachapunyuka pamunondo pamuchaparadzirwa pakati penyika nendudzi. 9 Ipapo vakapunyuka vachandirangarira vari pakati pendudzi kwavakaendeswa kuutapwa, kuti ndakashungurudzwa sei nemwoyo yavo youfeve, iyo yakatsauka kubva kwandiri, uye nameso avo, akachiva zvifananidzo zvavo. Vachazvisema pachavo nokuda kwezvakaipa zvavakaita nezvinyangadzo zvavo zvose. 10 Uye vachaziva kuti ndini Jehovha; handina kutaura pasina kuti ndichauyisa njodzi iyi pamusoro pavo.
11 “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Rovai maoko enyu pamwe chete uye mudzane-dzane netsoka dzenyu mudanidzire muchiti, “Maiwe!” nokuda kwezvakaipa zvose nezvinonyangadza zveimba yaIsraeri, nokuti vachaurayiwa nomunondo, nzara nedenda. 12 Ari kure achaurayiwa nedenda, uye ari pedyo achaurayiwa nomunondo, uye uyo achapona akararama, achafa nenzara. Saka ndichapedzera hasha dzangu pamusoro pavo. 13 Uye vachaziva kuti ndini Jehovha, kana vanhu vavo vakaurayiwa vari pakati pezvifananidzo zvavo zvakapoteredza aritari dzavo, napazvikomo zvose zvakakwirira napamusoro pamakomo ose, napasi pemiti yakapfumvutira nemiti yomuouki yose ina mashizha panzvimbo dzavaipira zvinonhuhwira kuzvifananidzo zvavo zvose. 14 Uye ndichatambanudza ruoko rwangu kuti ndivarwise ndigoparadza nyika ndigoiita dongo kubva kugwenga kusvikira kuDhibhira, kwose kwose kwavanogara. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.’ ”
<- Ezekieri 5Ezekieri 7 ->