6 Murume uya achakamira pandiri, ndakanzwa mumwe achiti kwandiri ari mukati metemberi. Akati kwandiri, 7 “Mwanakomana womunhu, iyi ndiyo nzvimbo yechigaro changu choushe nenzvimbo yechitsiko chetsoka dzangu. Ndipo pandichagara ndiri pakati pavaIsraeri nokusingaperi. Imba yaIsraeri haichazosvibisizve zita rangu dzvene kunyange ivo kana madzimambo avo, noufeve hwavo uye zvifananidzo zvamadzimambo avo, zvisina upenyu panzvimbo dzavo dzakakwirira. 8 Pavakaisa chikumbaridzo mujinga mechikumbaridzo changu namagwatidziro pajinga pegwatidziro rangu pachingova norusvingo pakati pangu naivo, vakasvibisa zita rangu dzvene nezvinonyangadza zvavakaita. Saka ndakavaparadza mukutsamwa kwangu. 9 Zvino ngavarashire ufeve hwavo kure nezvifananidzo zvavo zvisina upenyu zvamadzimambo avo, ipapo ndichagara pakati pavo nokusingaperi.
10 “Mwanakomana womunhu, rondedzera nezvetemberi kuvanhu veIsraeri, kuti vanyare pamusoro pezvivi zvavo. Ngavarangarire urongwa hwayo, 11 uye kana vachinyara pamusoro pezvavakaita zvose, uvazivise magadzirirwo etemberi, nourongwa hwayo, panobudiwa napo napanopindwa napo, mamiriro ayo ose nemitemo yayo yose uye mirayiro yayo. Unyore izvi pamberi pavo kuti vagova vakatendeka kumagadzirirwo ayo vagotevera mitemo yayo yose.
12 “Uyu ndiwo murayiro wetemberi: Nzvimbo dzose dzakapoteredza dziri pamusoro pegomo dzichava tsvene-tsvene. Ndiwo murayiro wetemberi iwoyu.
18 Ipapo iye akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha: Iyi ndiyo ichava mitemo yokubayira zvibayiro zvinopiswa nokusasa ropa pamusoro pearitari painenge yavakwa: 19 Unofanira kupa hando duku sechipiriso chechivi kuvaprista, vanova ndivo vaRevhi, vemhuri yaZadhoki, vanoswedera kuti vashumire pamberi pangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 20 Unofanira kutora rimwe reropa ugoriisa panyanga ina dzearitari uye napamakona mana pamupanda wapamusoro napamuromo wose, nokudaro unatse aritari ugoiyananisira. 21 Unofanira kutora hando yechipiriso chechivi ugopisa panzvimbo yakatsaurwa yetemberi iri kunze kwenzvimbo tsvene.
22 “Pazuva rechipiri unofanira kubayira nhongo isina chainopomerwa chive chibayiro chechivi, uye aritari inofanira kunatswa sokunatswa kwayakaitwa nehando. 23 Kana mapedza kuinatsa, unofanira kubayira hando duku uye negondobwe rinobva pamakwai, zvose zvisina chazvinopomerwa. 24 Unofanira kuzvibayira pamberi paJehovha, uye vaprista vanofanira kusasa munyu pamusoro pazvo vagozvibayira sezvibayiro zvinopisirwa Jehovha.
25 “Kwamazuva manomwe munofanira kuuya nenhongo zuva rimwe nerimwe chive chibayiro chechivi; uye unofanirawo kuuya nehando negondobwe rinotorwa kumakwai, parege kuva nezvazvinopomerwa zvose. 26 Vanofanira kuyananisira aritari nokuinatsa kwamazuva manomwe vagoinatsa; naizvozvo vagoikumikidza. 27 Shure kwamazuva iwayo, kubva pazuva rorusere, vaprista vanofanira kuuya nezvibayiro zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana paaritari. Ipapo ndichakugamuchirai, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”
<- Ezekieri 42Ezekieri 44 ->