1 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Ibva panzvimbo ino, iwe navanhu vawakabudisa kubva muIjipiti uye ukwidze kunyika yandakavimbisa nemhiko kuna Abhurahama, Isaka naJakobho ndichiti, ‘Ndichaipa kuzvizvarwa zvako.’ 2 Ndichatuma mutumwa pamberi pako agodzinga vaKenani, vaAmori, vaHiti, vaPerezi, vaHivhi navaJebhusi. 3 Kwidzai kunyika inoyerera mukaka nouchi. Asi ini handiendi nemi, nokuti muri vanhu vane mitsipa mikukutu uye ndingazokuparadzai munzira.”
4 Vanhu vakati vachinzwa mashoko anotambudza aya, vakatanga kuchema uye hapana munhu akashonga zvinoyevedza. 5 Nokuti Jehovha akanga ati kuna Mozisi, “Taurira vaIsraeri uti, ‘Muri vanhu vane mitsipa mikukutu. Kana dai ndingaende nemi kunyange kwenguva duku, ndingakuparadzai. Zvino bvisai zvishongo zvenyu uye ini ndichafunga zvokuita nemi.’ ” 6 Saka vaIsraeri vakabvisa zvishongo zvavo pagomo reHorebhi.
14 Jehovha akapindura akati, “Kuvapo kwangu kuchaenda newe, uye ndichakupa zororo.”
15 Ipapo Mozisi akati kwaari, “Kana Kuvapo kwenyu kusingaendi nesu, musatibvisa pano. 16 Vanhu vachaziva sei kuti munofadzwa neni uye navanhu venyu kana musina kuenda nesu? Chiizve chicharatidza mutsauko pakati pangu navanhu venyu navamwe vanhu vose vari pamusoro penyika?”
17 Uye Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndichaita chinhu ichocho chawakumbira, nokuti ndinofadzwa newe uye ndinokuziva nezita.”
18 Ipapo Mozisi akati, “Zvino ndiratidzei kubwinya kwenyu.”
19 Uye Jehovha akati, “Ndichaita kuti kunaka kwangu kupfuure napamberi pako, uye ndichaparidza zita rangu, iro Jehovha, pamberi pako. Ndichanzwira nyasha iye wandichanzwira nyasha, uye ndichanzwira tsitsi uyo wandichanzwira tsitsi.” 20 Akati, “Asi haugoni kuona chiso changu, nokuti hapana munhu angandiona uye akararama.”
21 Ipapo Jehovha akati, “Pane nzvimbo iri pedyo neni paungamira padombo. 22 Panopfuura kubwinya kwangu, ndichakuisa mumukaha wedombo uye ndichakufukidza noruoko rwangu kusvikira ndapfuura. 23 Ipapo ndichabvisa ruoko rwangu uye uchaona shure kwangu; asi chiso changu hachifaniri kuonekwa.”
<- Ekisodho 32Ekisodho 34 ->