3 Mozisi akati aenda kundoudza vanhu mashoko ose nemirayiro yose yaJehovha, ivo vakati nenzwi rimwe chete, “Tichaita zvinhu zvose zvakarehwa naJehovha.” 4 Ipapo Mozisi akanyora zvinhu zvose zvakanga zvarehwa naJehovha.
8 Ipapo Mozisi akatora ropa, akarisasa pamusoro pavanhu uye akati, “Iri iropa resungano yaitwa naJehovha nemi maererano namashoko aya ose.”
9 Mozisi naAroni, Nadhabhi naAbhihu uye navakuru makumi manomwe vavaIsraeri vakakwira 10 uye vakaona Mwari waIsraeri. Pasi petsoka dzake pakanga pane chimwe chinhu chakaita sechivakwa chesafire, chakanga chichionekwa sedenga pacharo. 11 Asi Mwari haana kusimudza ruoko rwake pamusoro pavatungamiri vavaIsraeri ava; vakaona Mwari, uye vakadya vakanwa.
12 Jehovha akati kuna Mozisi, “Kwira kuno kwandiri pamusoro pegomo ugare pano, ndigokupa mahwendefa amabwe, ane mirayiro nemitemo zvandanyora kuti varayirwe.”
13 Ipapo Mozisi akasimuka naJoshua mubatsiri wake, uye Mozisi akakwira mugomo raMwari. 14 Akati kuvakuru, “Timirirei pano kusvikira tadzoka kwamuri. Aroni naHuri vanemi, uye ani naani zvake anopesana nomumwe anogona kuenda kwavari.”
15 Mozisi akati akwira mugomo, gore rakarifukidza, 16 uye kubwinya kwaJehovha kwakagara pamusoro peGomo reSinai. Gore rakafukidza gomo iro kwamazuva matanhatu, uye pazuva rechinomwe, Jehovha akadana Mozisi ari mukati megore. 17 KuvaIsraeri, kubwinya kwaJehovha kwairatidzika somoto unoparadza uri pamusoro pegomo. 18 Ipapo akapinda mugore paakanga achikwira mugomo. Uye akagara mugomo kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana.
<- Ekisodho 23Ekisodho 25 ->