3 Asi vanhu vakanga vane nyota yemvura ipapo, saka vakapopotedzana naMozisi. Vakati, “Seiko wakatibudisa muIjipiti kuti isu navana vedu nezvipfuwo zvedu tife nenyota?”
4 Ipapo Mozisi akachema kuna Jehovha akati, “Ndoiteiko navanhu ava? Votoda kunditaka namabwe.”
5 Jehovha akapindura Mozisi akati, “Famba pamberi pavanhu. Tora vamwe vavakuru vavaIsraeri uye ubate muruoko rwako tsvimbo yawakarova nayo mvura yeNairi, ugoenda. 6 Ndichamira ipapo pamberi pako padombo riri paHorebhi. Urove dombo, uye mvura ichabuda pariri, kuti vanhu vanwe.” Saka Mozisi akaita izvi pamberi pavakuru vavaIsraeri. 7 Uye akatumidza nzvimbo iyi kuti Masa neMeribha nokuti vaIsraeri vakakavadzana naye uye nokuti vakaedza Jehovha vachiti, “Ko, Jehovha ari pakati pedu here kana kuti kwete?”
10 Saka Joshua akarwa navaAmareki sokurayirwa kwaakaitwa naMozisi, uye Mozisi, Aroni naHuri vakakwira pamusoro pechikomo. 11 Mozisi paainge akasimudza maoko ake, vaIsraeri vaikunda, asi paaingoderedza maoko ake, vaAmareki vaikunda. 12 Maoko aMozisi akati aneta, vakatora dombo ndokuriisa pasi pake iye akagara pamusoro paro. Aroni naHuri vakabata maoko ake vakamutsigira, mumwe kuno rumwe rutivi, mumwe kuno rumwe rutivi, kuitira kuti maoko ake arambe akatsiga kusvikira madekwana. 13 Saka Joshua akakunda hondo yavaAmareki nomunondo.
14 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Nyora izvi mubhuku chive chinhu chicharangarirwa uye uve nechokwadi kuti Joshua azvinzwa, nokuti ndichabvisa chirangaridzo chose cheAmareki pasi pedenga.”
15 Mozisi akavaka aritari akaitumidza kuti “Jehovha ndiye Mureza wangu.” 16 Akati, “Nokuti maoko akasimudzirwa kumusoro kuchigaro choushe chaJehovha. Jehovha acharwa neAmareki kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune nechimwe chizvarwa.”
<- Ekisodho 16Ekisodho 18 ->