4 Saka Mozisi akati, “Zvanzi naJehovha: ‘Pakati pousiku ndichafamba napakati peIjipiti. 5 Mwanakomana wose wedangwe ari muIjipiti achafa, kubva pamwanakomana wedangwe waFaro, iye agere pachigaro choushe, kusvikira kumwanakomana wedangwe womurandakadzi, ari paguyo rake, namatangwe ose emombewo. 6 Pachava nokuchema kukuru muIjipiti yose, kwakadaro hakuna kumbovapo uye hakungavepozve. 7 Asi pakati pavaIsraeri hapana kana imbwa ichahukura munhu zvake kana chipfuwo.’ Ipapo uchaziva kuti Jehovha anoita mutsauko pakati peIjipiti neIsraeri. 8 Machinda ako ose aya achauya kwandiri, vachipfugama pamberi pangu vachiti, ‘Chiendai, imi navanhu vose vanokuteverai!’ Shure kwaizvozvo ndichaenda.” Ipapo Mozisi, atsamwa kwazvo, akabva pana Faro.
9 Jehovha akanga ati kuna Mozisi, “Faro acharamba kukuteerera, kuitira kuti zvishamiso zvangu zviwande muIjipiti.” 10 Mozisi naAroni vakaita zvishamiso zvose izvi pamberi paFaro, asi Jehovha akaomesa mwoyo waFaro uye haana kuda kutendera vaIsraeri kuti vabude munyika yake.
<- Ekisodho 10Ekisodho 12 ->