3 Ipapo vaHosi Esteri vakapindura vakati, “Kana ndawana nyasha kwamuri, imi Mambo, uye kana zvichifadza mambo, ndinokumbira kuti ndipiwe upenyu hwangu, ndicho chichemo changu, uye navanhu vangu, ndicho chikumbiro changu. 4 Nokuti ini navanhu vangu takatengeswa kuti tiurayiwe tiparadzwe zvachose. Kana dai takanga tangotengeswa senhapwa dzavarume navakadzi, ndingadai ndaingonyarara, nokuti kutambudzika kwakadai hakukodzere kuti mambo akanganiswe zvaari kuita.”
5 Mambo Zekisesi akabvunza vaHosi Esteri akati, “Ndiani iyeye? Aripi munhu iyeye afunga kuita chinhu chakadai?”
6 Esteri akati, “Mudzivisi nomuvengi ndiyeyu Hamani ane utsinye.”
8 Mambo paakadzoka kubva kubindu romuzinda achidzokera kuimba yamabiko, Hamani akanga azviwisira pachigaro chakanga chigere Esteri.
- a mamita angaita 23