4 Chinzwa iwe Israeri: Jehovha Mwari wedu, ndiJehovha mumwe chete. 5 Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose uye nesimba rako rose. 6 Mirayiro iyi yandinokupai nhasi inofanira kuva mumwoyo yenyu. 7 Zvisimbisei kuvana venyu. Taurai pamusoro payo kana mugere mudzimba dzenyu uye kana muchifamba munzira, kana muchivata pasi uye kana muchimuka. 8 Isungirirei pamaoko enyu sechiratidzo mugoisungira pahuma dzenyu. 9 Muinyore pamagwatidziro emikova yedzimba dzenyu uye napamasuo enyu.
10 Zvino kana Jehovha Mwari wenyu achinge akupinzai munyika yaakapikira kumadzibaba enyu, Abhurahama, naIsaka, naJakobho, kuti achakupai, nyika ina maguta makuru akanaka, amusina kuvaka imi, 11 dzimba dzizere nezvinhu zvakanaka zvamarudzi ose zvamusina kutsvaka imi, matsime amusina kuchera, minda yemizambiringa namasango nemiti yemiorivhi yamusina kusima, zvino kana muchinge madya uye mukaguta, 12 muchenjerere kuti murege kukanganwa Jehovha, akakubudisai kubva muIjipiti, kubva munyika youranda.
13 Itya Jehovha Mwari wako, ushumire iye oga ugoita mhiko dzako muzita rake. 14 Musatevera vamwe vamwari, vamwari vendudzi dzakakupoteredzai; 15 nokuti Jehovha Mwari wenyu ari pakati penyu ndiMwari ane godo uye hasha dzake dzichapisa pamusoro penyu, uye achakuparadzai kubva pamusoro penyika. 16 Musaedza Jehovha Mwari wenyu sezvamakaita paMasa. 17 Chenjererai kuchengeta mirayiro yaJehovha Mwari wenyu nezvaakatema nemitemo yaakakupai. 18 Itai zvakarurama nezvakanaka pamberi paJehovha, kuitira kuti zvigokunakirai, mugopinda mugotora nyika yakanaka iyo Jehovha akavimbisa nemhiko kumadzitateguru enyu, 19 agoparadza vavengi venyu vose pamberi penyu, sezvakataurwa naJehovha.
20 Panguva inotevera, kana mwanakomana wako akakubvunza achiti, “Ko, zvakatemwa izvi, mitemo nemirayiro yamakarayirwa naJehovha Mwari wedu zvinorevei?” 21 Umuudze kuti, “Takanga tiri varanda vaFaro muIjipiti, asi Jehovha akatibudisa muIjipiti noruoko rune simba. 22 Jehovha akatumira pamberi pedu zviratidzo nezvishamiso zvinotyisa pamusoro peIjipiti naFaro neimba yake yose. 23 Asi akatibudisamo kuti atipinze nokutipa nyika yaakavimbisa nemhiko kumadzibaba edu. 24 Jehovha akatirayira kuti titeerere mitemo iyi yose nokutya Jehovha Mwari wedu, kuitira kuti tibudirire nguva dzose nokurarama sezvatakaita nhasi. 25 Uye kana tichichenjerera kuteerera murayiro uyu wose pamberi paJehovha Mwari wedu, sezvaakatirayira, ndiko kuchava kururama kwedu.”
<- Dhuteronomi 5Dhuteronomi 7 ->