5 Zvino Mozisi muranda waJehovha akafira ipapo munyika yaMoabhu, sezvakanga zvataurwa naJehovha. 6 Akamuviga muMoabhu, mumupata wakatarisana neBheti Peori, kusvikira nanhasi hapana anoziva pane guva rake. 7 Mozisi akanga ava namakore zana namakumi maviri panguva yaakafa, asi kunyange zvakadaro, meso ake akanga achigere kuonera madzerere uye simba rake rakanga richigere kuderera. 8 VaIsraeri vakachema Mozisi pamapani eMoabhu kwamazuva makumi matatu, kusvikira mazuva okuchema nokuungudza apera.
9 Zvino Joshua mwanakomana waNuni akanga azere nomweya wouchenjeri nokuti Mozisi akanga aisa maoko ake pamusoro pake. Saka naizvozvo vaIsraeri vakamuteerera uye vakaita zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
10 Kubva ipapo hakuna kuzomukazve muprofita muIsraeri akafanana naMozisi, uyo akazivana naJehovha chiso nechiso, 11 uyo akaita zviratidzo nezvishamiso zvaakatumwa naJehovha kuti aite muIjipiti, kuna Faro nokumachinda ake nokunyika yake yose. 12 Nokuti hapanazve mumwe akaratidza simba guru kana akaitazve mabasa anotyisa seayo akaitwa naMozisi pamberi pavaIsraeri vose.
<- Dhuteronomi 33