15 Tarira, ndaisa pamberi pako nhasi upenyu noupfumi, uye rufu nokuparadzwa. 16 Nokuti ndinokurayira kuti ude Jehovha Mwari wako nhasi, kuti ufambe munzira dzake nguva dzose uye uchengete zvaakarayira, mitemo nemirayiro yake; ipapo uchararama ugowanda, uye Jehovha Mwari wako achakuropafadza munyika yauri kupinda kuti uitore.
17 Asi kana mwoyo wako ukatsauka uye kana usingateereri, uye kana ukakwezvwa kuti undopfugamira vamwe vamwari ugovanamata, 18 ndinokuudza nhasi kuti uchaparadzwa zvirokwazvo. Haungararami kwenguva refu munyika yamuri kuyambuka Jorodhani kuti mupinde mugoitora.
19 Nhasi uno ndinodana denga nenyika kuti zvikupupurirei kuti ndaisa pamberi penyu upenyu nerufu, maropafadzo nokutukwa. Zvino sarudza upenyu, kuitira kuti iwe navana vako mugorarama. 20 Uye ugoda Jehovha Mwari wako, uteerere inzwi rake, uye ugobatirira paari. Nokuti Jehovha ndiye upenyu hwako, uye achakupa makore mazhinji munyika yaakapika kuti achaipa kumadzibaba enyu Abhurahama, Isaka naJakobho.
<- Dhuteronomi 29Dhuteronomi 31 ->