5 Fume mangwana, vabati, vakuru navadzidzisi vomurayiro vakasangana muJerusarema. 6 Anasi muprista mukuru aivapo, uye Kayafasi Johani, Arekizanda navamwe varume vemhuri yomuprista mukuru vaivapowo. 7 Vakaita kuti Petro naJohani vauyiswe pamberi pavo vakatanga kuvabvunza vachiti, “Makaita izvi nesimba raani kana kuti nezita raani?”
8 Ipapo Petro azere noMweya Mutsvene, akati kwavari, “Imi vabati nemi vakuru vavanhu, 9 kana tadanwa nhasi nokuda kwebasa rakanaka rakaitwa kuchirema uye tichibvunzwa kuti akaporeswa sei, 10 zvino muzive izvi, imi navanhu vose veIsraeri kuti: Zvakaitwa nezita raJesu Kristu weNazareta, iye wamakaroverera pamuchinjikwa asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, ndiye aita kuti murume uyu amire pamberi penyu apora kudai. 11 Ndiye
13 Vakati vachiona kusatya kwaPetro naJohani uye vachiziva kuti vakanga vasina kudzidza, vachingova vanhuwo zvavo, vakakatyamara uye vakarangarira kuti varume ava vaiva naJesu. 14 Asi vachiona murume akanga aporeswa amire navo ipapo, havana chavakagona kutaura. 15 Saka vakavarayira kuti vabve paDare Guru, uye ivo vakasara vachitaurirana. 16 Vakati, “Tichaita seiko navarume ava? Munhu wose anogara muJerusarema anoziva kuti vakaita chishamiso chikuru uye isu hatigoni kuzviramba. 17 Asi kuti chinhu ichi chirege kuramba chichipararira pakati pavanhu, tinofanira kuyambira varume ava kuti varege kutaura kuna ani zvake muzita iri.”
18 Ipapo vakavadanazve kuti vapinde ndokuvarayira kuti varege kutaura kana kutongodzidzisa muzita raJesu. 19 Asi Petro naJohani vakapindura vakati, “Tongai henyu imi kana zvakarurama pamberi paMwari kuti titeerere imi kupfuura Mwari. 20 Nokuti isu hatigoni kurega kutaura pamusoro pezvatakaona nezvatakanzwa.”
21 Shure kwokuvayambirazve vakavarega vakaenda. Havana kugona kufunga kuti vangavaranga sei, nokuti vanhu vose vakanga vachirumbidza Mwari pamusoro pezvakanga zvaitika. 22 Nokuti murume akanga aporeswa nechishamiso akanga ana makore anodarika makumi mana.
31 Shure kwokunge vanyengetera, nzvimbo yavakanga vakaungana pairi yakazungunuswa. Uye vose vakazadzwa noMweya Mutsvene vakataura shoko raMwari vasingatyi.
36 Josefa, muRevhi aibva kuSaipurasi, uyo akatumidzwa navapostori kunzi Bhanabhasi (kureva kuti Mwanakomana woKukurudzira), 37 akatengesa munda wake akauya nemari akaiisa pamberi pavapostori.
<- Mabasa aVapostori 3Mabasa aVapostori 5 ->