6 Vakafamba nomuchiwi chose kudzamara vasvika kuPafosi. Vakasangana neimwe nʼanga yechiJudha ikoko, uye akanga ari muprofita wenhema ainzi Bhari Jesu, 7 akanga ari muchengeti womubati wenyika ainzi Segio Paurusi. Mubati akanga ari murume akachenjera, akadana Bhanabhasi naSauro nokuti aida kunzwa shoko raMwari. 8 Asi Erimasi nʼanga (nokuti ndizvo zvaireva zita rake) akavapikisa akaedza kutsausa mubati uyu pakutenda. 9 Ipapo Sauro akanga achinziwo Pauro, azere noMweya Mutsvene akatarisisa Erimasi akati, 10 “Iwe uri mwana wadhiabhori nomuvengi wezvinhu zvose zvakarurama! Uzere nokunyengera kwose namano akaipa. Hausi kuzorega here kumonyorotsa nzira dzakarurama dzaShe? 11 Zvino ruoko rwaShe rwava pamusoro pako. Uchava bofu, uye uchatadza kuona chiedza chezuva kwechinguva.”
16 Ipapo Pauro akasimuka, akaninira noruoko rwake akati, “Varume veIsraeri nemi mose vedzimwe ndudzi vanonamata Mwari, nditeererei! 17 Mwari wavanhu veIsraeri akasarudza madzibaba edu; akaita kuti vanhu vabudirire panguva yavaigara muIjipiti, akavabudisa munyika iyo nesimba guru, 18 akava nomwoyo murefu namaitiro avo kwamakore anenge makumi mana vari mugwenga, 19 akakunda ndudzi nomwe muKenani akapa nyika yavo kuvanhu vake kuti ive nhaka yavo. 20 Izvi zvakatora makore anenge mazana mana namakumi mashanu.
23 “Kubva kuzvizvarwa zvomurume uyu Mwari akavigira vaIsraeri Muponesi Jesu, sezvaakanga avimbisa. 24 Jesu asati auya, Johani akaparidza kutendeuka norubhabhatidzo kuvanhu vose veIsraeri. 25 Johani paakanga ava kupedzisa basa rake, akati, ‘Munofunga kuti ndini ani? Handizi iye uya. Kwete, asi iye ari kuuya shure kwangu, ndiye wandisingakodzeri kusunungura shangu dzake.’
26 “Hama dzangu, vana vaAbhurahama nemi vedzimwe ndudzi vanotya Mwari, shoko iri roruponeso rakatumirwa kwatiri. 27 Vanhu veJerusarema navatongi vavo havana kuziva Jesu, asi pakumupa mhaka kwavo vakazadzisa mashoko avaprofita anoverengwa Sabata rimwe nerimwe. 28 Kunyange vasina kuwana hwaro chaihwo hwokuti atongerwe rufu, vakakumbira Pirato kuti amuuraye. 29 Vakati vapedza zvose zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuburutsa pamuti vakamuradzika muguva. 30 Asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, 31 uye akaonekwa mazuva mazhinji naavo vakafamba naye kubva kuGarirea kusvikira kuJerusarema. Ndivo zvapupu zvake zvino kuvanhu vokwedu.
32 “Tiri kukuudzai nhau dzakanaka kuti: Zvakavimbiswa madzibaba edu naMwari, 33 akazvizadzisa kwatiri isu, vana vavo, nokumutsa Jesu kubva kuvakafa. Sezvazvakanyorwa muPisarema rechipiri zvichinzi:
36 “Nokuti Dhavhidhi akati aita kuda kwaMwari pamazuva ake, akavata; akavigwa namadzibaba ake uye muviri wake wakaora. 37 Asi uyo akamutswa naMwari haana kuona kuora.
38 “Naizvozvo, hama dzangu, ndinoda kuti muzive kuti kubudikidza naJesu, kukanganwirwa kwezvivi kunoparidzwa kwamuri. 39 Kubudikidza naye munhu wose anotenda anoruramiswa pazvinhu zvose zvamanga musingagoni kururamiswa pazviri nomurayiro waMozisi. 40 Chenjerai kuti zvakataurwa navaprofita zvirege kuitika kwamuri, zvinoti:
42 Pauro naBhanabhasi vava kubuda musinagoge, vanhu vakavakoka kuti vazotaurazve pamusoro pezvinhu izvi paSabata raizotevera. 43 Gungano rakati rapararira, vazhinji vavaJudha navamwe vakanga vatendeukira kuchiJudha vakatevera Pauro naBhanabhasi, ivo vakataura navo uye vakavakurudzira kuti varambe vari munyasha dzaMwari.
44 PaSabata rakatevera rinenge guta rose rakaungana kuzonzwa shoko raShe. 45 VaJudha vakati vaona vanhu vazhinji, vakazadzwa negodo vakataura zvakaipa pamusoro pezvakanga zvichitaurwa naPauro.
46 Ipapo Pauro naBhanabhasi vakavapindura vasingatyi vakati, “Zvanga zvakafanira kuti titaure shoko raMwari kwamuri imi kutanga. Sezvo mariramba uye mukasazviona savanhu vakafanira upenyu husingaperi, tava kuenda zvino kune veDzimwe Ndudzi. 47 Nokuti izvi ndizvo zvakarayirwa kwatiri naShe achiti:
48 VeDzimwe Ndudzi vakati vanzwa izvozvo, vakafara uye vakakudza shoko raShe; uye vose vakanga vakatarirwa upenyu husingaperi vakatenda.
49 Shoko raShe rakapararira mudunhu rose. 50 Asi vaJudha vakakurudzira vakadzi vaitya Mwari uye vaikudzikana navarume vairemekedzwa veguta, vakamutsira Pauro naBhanabhasi kutambudzwa, uye vakavadzinga mudunhu ravo. 51 Saka vakazunza guruva patsoka dzavo vachiratidza kusafara pamusoro pavo ndokubva vaenda kuIkoniamu. 52 Uye vadzidzi vakazadzwa nomufaro uye noMweya Mutsvene.
<- Mabasa aVapostori 12Mabasa aVapostori 14 ->