5 Hamurangariri here kuti pandaiva nemi ndaisikuudzai zvinhu izvi? 6 Uye iye zvino munoziva chinomudzivisa, kuti aratidzwe nenguva yakafanira. 7 Nokuti chakavanzika chesimba rokutsauka chotoshanda basa; asi uyo anomudzivisa zvino acharamba achiita izvozvo kusvikira iye abviswa. 8 Uye ipapo munhu wokutsauka achazoratidzwa, uyo achaparadzwa naIshe Jesu nokufema kwomuromo wake, achimuparadza nokubwinya kwokuuya kwake. 9 Kuuya kwomunhu wokutsauka kuchaitika sebasa raSatani kuchiratidza nemhando dzose dzezvishamiso zvenhema, zviratidzo neminana, 10 uye nokuipa kwose kunonyengera avo vanoparara. Vanoparara nokuti vakaramba kuda chokwadi uti vagoponeswa. 11 Nokuda kwaizvozvi, Mwari anovatumira mweya une simba wokunyengera kuti vatende nhema 12 uye kuti vose vagotongwa, avo vasina kutenda chokwadi, asi vakafarira zvakaipa.
16 Ishe wedu Jesu Kristu pachake uye Mwari Baba vedu, iye akatida uye nenyasha dzake akatipa upenyu husingaperi, kurudziro netariro yakanaka, 17 ngaakurudzire mwoyo yenyu uye akusimbisei mumabasa nomumashoko ose akanaka.
<- 2 VaTesaronika 12 VaTesaronika 3 ->