2 Mambo akabvunza Zibha akati, “Ko, wauyirei nezvinhu izvi?”
3 Mambo akabvunza akati, “Ko, muzukuru watenzi wako aripi?”
4 Ipapo mambo akati kuna Zibha, “Tarira, zvose zvanga zviri zvaMefibhosheti zvava zvako.”
9 Ipapo Abhishai mwanakomana waZeruya akati kuna mambo, “Ko, iyi imbwa yakafa ingatukirei ishe mambo wangu? Regai ndiende ndinodimura musoro wake.”
10 Asi mambo akati, “Ko, ini nemi takafanana pakudii, imi vanakomana vaZeruya? Ko, kana achituka nokuti Jehovha ati kwaari, ‘Tuka Dhavhidhi,’ ndiani angati, ‘Ko, unoitirei izvi?’ ”
11 Ipapo Dhavhidhi akati kuna Abhishai namakorokota ake ose, “Mwana wangu, anova wenyama yangu chaiyo, ari kuda kundiuraya. Ko, kuzoti uyu zvake, muBhenjamini! Musiyei akadaro; regai atuke, nokuti Jehovha amutuma. 12 Zvichida Jehovha angaona kutambura kwangu uye zvimwe angandiripira zvakanaka nokuda kwokutukwa kwandiri kugamuchira nhasi.”
13 Ipapo Dhavhidhi navanhu vake vakaramba vachifamba nenzira, Shimei paakanga achifamba ari kuno rumwe rutivi rwegomo, achituka achingoenda achipotsera matombo kwaari achimupfumburira guruva. 14 Mambo navanhu vose vaiva naye vakasvika kwavaienda vaneta. Akazororapo.
17 Abhusaromu akabvunza Hushai akati, “Urwu ndirwo rudo rwaunoratidza shamwari yako here? Sei usina kuenda neshamwari yako?”
18 Hushai akati kuna Abhusaromu, “Kwete, iye akasarudzwa naJehovha, navanhu ava uye navarume vose veIsraeri, ini ndichava wake, uye ndicharamba ndinaye. 19 Zvakarezve, ndingagoshandira aniko? Ko, handifaniri kushandira mwanakomana? Sezvandaishandira baba venyu, saizvozvo ndichakushandirai.”
20 Abhusaromu akati kuna Ahitoferi, “Tipewo zano rako. Toita sei?”
21 Ahitoferi akapindura akati, “Vatai navarongo vababa venyu avo vakasiyiwa vakachengeta muzinda wamambo. Ipapo Israeri yose ichanzwa kuti mazviita chinhu chinonhuhwa mumhuno dzababa venyu, uye maoko avanhu vose vanokutsigirai achasimbiswa.” 22 Ipapo vakamisira Abhusaromu tende pamusoro pedenga remba, uye akavata navarongo vababa vake vaIsraeri vose vachiona.
23 Zvino mumazuva iwayo zano raipiwa naAhitoferi raiita seromunhu anobvunza kuna Mwari. Ndizvozvo zvaifungwa naDhavhidhi pamwe chete naAbhusaromu pamusoro pamazano aipiwa naAhitoferi.
<- 2 Samueri 152 Samueri 17 ->