5 Zviedzei imi pachenyu muone kana muri pakutenda; zviedzei pachenyu. Munoziva here kuti Jesu ari mukati menyu, kunze kwokutoti makakundikana? 6 Uye ndinovimba kuti muchaona kuti hatina kukundikana. 7 Zvino tinonyengetera kuna Mwari kuti murege kuita chinhu chimwe chakaipa. Kwete kuti vanhu vaone kuti isu takakunda, asi kuti imi muite zvakarurama kunyange zvedu isu tichiita setakakundikana. 8 Nokuti hatigoni kuita chinhu chinopikisana nechokwadi, asi chinobatsira chokwadi chete. 9 Nokuti tinofara kana isu tichishayiwa simba asi imi muine simba; uye munyengetero wedu ndewokuti imi mukwaniswe. 10 Ndokusaka ndichinyora zvinhu izvi ndisipo, kuti kana ndauya ndirege kuzoita nehasha pakushandisa simba rangu, simba randakapiwa naIshe kuti ndikuvakei naro, kwete kukuparadzai.
13 Vatsvene vose vanokukwazisai.