6 Akagadza vakuru vehondo pamusoro pavanhu akavaunganidza pamberi pake pachivara chepasuo reguta akavakurudzira namashoko aya: 7 “Simbai mutsunge mwoyo. Musatya kana kuora mwoyo nokuda kwamambo weAsiria nehondo huru yaanayo, nokuti kune simba guru kwatiri kupinda raanaro. 8 Iye ane ruoko rwenyama chete, asi isu tina Jehovha Mwari wedu kuti atibatsire uye anotirwira hondo dzedu.” Vanhu vakawana kusimbisiswa nokushinga kubva pane zvakanga zvataurwa naHezekia mambo weJudha.
9 Shure kwaizvozvo, Senakeribhi mambo weAsiria nehondo yake pavakanga vakakomba guta reRakishi, akatumira vakuru vehondo yake kuJerusarema neshoko iri kuna Hezekia mambo weJudha nokuvanhu vose veJudha vaivako achiti:
16 Makurukota aSenakeribhi akataurazve zvimwe zvakawanda achishora Jehovha Mwari uye achipikisana naHezekia muranda wake. 17 Mambo akanyorazve tsamba achituka Jehovha, Mwari weIsraeri achitaura izvi pamusoro pake: “Sokukundikana kwavamwari vedzimwe nzvimbo kununura vanhu vake kubva muruoko rwangu, saizvozvo mwari waHezekia achakundikana kununura vanhu vake kubva muruoko rwangu.” 18 Ipapo vakadaidzira muchiHebheru kuvanhu veJerusarema vakanga vari parusvingo, vachivatyisidzira vachivaita kuti vatye kuti ivo vagopamba guta. 19 Vakataura pamusoro paMwari weJerusarema zvavaiita pamusoro pavamwe vamwari namamwe marudzi enyika, mabasa amaoko avanhu.
20 Mambo Hezekia nomuprofita Isaya mwanakomana waAmozi vakachema mumunyengetero kudenga pamusoro penyaya iyi. 21 Uye Jehovha akatuma mutumwa akaparadza varwi vose navatungamiri navakuru pamisasa yamambo weAsiria. Saka akadzokera kunyika yake achinyara kwazvo uye paakapinda mutemberi yamwari wake vamwe vavanakomana vake vakamuuraya neminondo.
22 Saka Jehovha akanunura Hezekia navanhu veJerusarema kubva muruoko rwaSenakeribhi mambo weAsiria uye kubva muruoko rwavamwe vose. Akavachengeta kumativi ose. 23 Vazhinji vakavigira Jehovha zvipo kuJerusarema nezvipo zvinokosha kuna Hezekia mambo weJudha. Kubva ipapa akatanga kuremekedzwa zvikuru nendudzi dzose.
27 Hezekia akanga ane pfuma yakawanda kwazvo uye nokukudzwa, uye akavaka matura okuchengeta sirivha yake negoridhe namatombo anokosha, nezvinonhuhwira, nenhoo nezvimwe zvinokosha zvose. 28 Akavakawo matura okuchengetera zviyo zvaaikohwa, waini itsva, namafuta; uye akavaka matanga emombe dzamarudzi akasiyana-siyana namatanga amakwai. 29 Akavaka misha uye akatenga makwai nemombe zhinji nokuti Mwari akanga amupa pfuma yakawanda.
30 Hezekia ndiye akavhara mvura yaibuda muchitubu chepaGihoni ichiyerera nokumusoro akaivhurira kuti iende nezasi kumavirazuva kweGuta raDhavhidhi. Akabudirira mune zvose zvaiita. 31 Asi pakatumwa nhume navatongi veBhabhironi kuti vamubvunze pamusoro pechiratidzo chechishamiso chakanga chaitika munyika, Mwari akamusiya kuti amuedze uye kuti azive zvose zvaiva mumwoyo make.
32 Zvimwe zvakaitwa naHezekia panguva yokutonga kwake zvakanyorwa muchiratidzo chomuprofita Isaya mwanakomana waAmozi mubhuku ramadzimambo eJudha neIsraeri. 33 Hezekia akazorora namadzibaba ake akavigwa pachikomo pane makuva ezvizvarwa zvaDhavhidhi. Judha yose navanhu veJerusarema vakamuremekedza paakafa. Uye mwanakomana wake Manase akamutevera paumambo.
<- 2 Makoronike 312 Makoronike 33 ->