9 Hezekia akabvunza vaprista navaRevhi nezvamatutu aya. 10 Azaria muprista mukuru kubva kuimba yaZadhoki akapindura achiti, “Kubva zvakatanga vanhu kuuyisa zvipo zvavo kutemberi yaJehovha, takawana zvokudya zvakatiringana, nezvizhinji zvaisara, nokuti Jehovha akaropafadza vanhu vake, uye izvi zvizhinji ndizvo zvakasara.”
11 Hezekia akarayira kuti kugadzirwe matura okuchengetera zvinhu mutemberi yaJehovha, izvi zvikaitwa. 12 Ipapo vakauyisa zvipo zvavo vakatendeka, nezvegumi nezvipo zvakakumikidzwa. Konania muRevhi ndiye aiva mutariri wezvinhu izvi uye mununʼuna wake Shimei ndiye aimutevera. 13 Jehieri, Azazia, Nahati, Asaheri, Jerimoti, Jozabhadhi, Erieri, Isimakia, Mahati, naBhenaya vaiva vatariri vari pasi paKonania naShimei mununʼuna wake, sokupiwa basa kwavakaitwa naMambo Hezekia naAzaria muchinda aiona nezvetemberi yaMwari.
14 Kore mwanakomana waImina muRevhi, muchengeti weSuo rokumabvazuva, ndiye aichengeta zvipo zvokupa nokuzvisarudzira kuna Mwari achizogovera zvipo zvaipiwa kuna Jehovha pamwe chete nezvipo zvakatsaurwa. 15 Edheni, Miniamini, Jeshua, Shemaya, Amaria naShekania vakamubatsira vakatendeka mumaguta avaprista, vachigovera vamwe vaprista mumapoka avo, vakuru navadiki zvakafanana.
16 Pamusoro pezvo vakagovera kuvanhurume vaiva namakore matatu zvichikwira avo vaiva namazita avo akanyorwa mumagwaro enhoroondo, vose avo vaizopinda mutemberi yaJehovha kuti vaite mabasa ezuva nezuva akasiyana-siyana, zvichienderana nezvavakatarirwa kuti vaite uye namapoka avo. 17 Uye vakagovera kuvaprista sokunyorwa kwazvakaitwa munhoroondo yavo mumhuri dzavo, uye saizvozvowo kuvaRevhi, vaiva namakore makumi maviri zvichikwira zvichienderana namabasa avo namapoka avo. 18 Vaisanganiswa vadiki vose, vakadzi, navanakomana navanasikana venzvimbo yose vakanyorwa munhoroondo nokuti vakanga vakatendeka pakuzvinatsa.
19 Kuvaprista, zvizvarwa zvaAroni vaigara mumaruwa akanga akakomberedza maguta avo kana mune mamwe maguta, varume vakapiwa mabasa namazita avo kuti vape migove kuno murume mumwe nomumwe aiva pakati pavo nokuna vose vakanga vakanyorwa mumabhuku enhoroondo dzavaRevhi.
20 Izvi ndizvo zvakaitwa naHezekia muJudha yose achiita zvakanga zvakanaka uye zvakarurama uye zvakatendeka pamberi paJehovha Mwari wake. 21 Mune zvose zvaakaita mukushandira temberi yaMwari uye mukutevera murayiro nezvakarayirwa, akatsvaka Mwari wake akashanda nomwoyo wose. Saka akabudirira.
<- 2 Makoronike 302 Makoronike 32 ->