2 Ahazia aiva namakore makumi maviri namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwegore rimwe chete. Mai vake vainzi Ataria, muzukuru waOmuri.
3 Iyewo akafamba munzira dzeimba yaAhabhu nokuti mai vake vaimukurudzira kuita zvakaipa. 4 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha sezvakanga zvaitwa neveimba yaAhabhu nokuti baba vake pavakafa, ivo vakatanga kumupa mazano. 5 Akateverazve kurayira kwavo paakaenda naJoramu mwanakomana waAhabhu mambo weIsraeri kuhondo vachirwisana naHazaeri mambo weAramu paRamoti Gireadhi. VaAramu vakakuvadza Joramu. 6 Saka akadzokera kuJezireeri kuti ambondopora maronda aakanga akuvara paRamoti paairwa naHazaeri mambo weAramu.
7 Mukushanya kwaAhazia kuna Joramu, Mwari akauyisa kuparadzwa kwaAhazia. Ahazia paakasvika akaenda naJoramu kundosangana naJehu mwanakomana waNimishi, uyo akanga azodzwa naJehovha kuti aparadze imba yaAhabhu. 8 Jehu paakanga ava kutonga imba yaAhabhu akawana machinda eJudha navanakomana vehama dzaAhazia, vakanga vachishandira Ahazia, akavauraya. 9 Ipapo akaenda kundotsvaka Ahazia, uye vanhu vake vakamubata paakanga akavanda muSamaria. Akauyiswa kuna Jehu, ndokuurayiwa. Vakamuviga nokuti vakati, “Akanga ari mwanakomana waJehoshafati, aitsvaga Mwari nomwoyo wake wose.” Saka pakasara pasina akanga akasimba muimba yaAhazia zvokuti angagona kubata ushe.