1 Ipapo Jehoshafati akazozorora namadzibaba ake akavigwa navo muguta raDhavhidhi uye Jehoramu mwanakomana wake akamutevera paumambo. 2 Vanunʼuna vaJehoramu vanakomana vaJehoshafati vaiti Azaria, Jehieri, Zekaria, Azariyahu, Mikaeri naShefatia. Vose ava vaiva vanakomana vaJehoshafati mambo weIsraeri. 3 Baba vavo vakanga vavapa zvipo zvakawanda zvesirivha negoridhe nezvinhu zvinokosha pamwe chete namaguta ana masvingo muJudha, asi akanga apa umambo kuna Jehoramu nokuti aiva mwanakomana wake wokutanga.
8 Panguva yaJehoramu, Edhomu yakapandukira Judha ikagadza mambo wayo. 9 Saka Jehoramu akaendako namachinda ake nengoro dzake dzose. VaEdhomu vakamukomba navakuru vake nengoro dzake asi akasimuka akabuda pakati pavo nousiku. 10 Kusvikira nhasi vaEdhomu vakaramba vakamukira Judha.
12 Jehoramu akatambira tsamba kubva kuna muprofita Eria yaiti:
16 Jehovha akamutsa vaFiristia navaArabhu vaigara pedyo navaEtiopia kuti varwise Jehoramu. 17 Vakarwisa Judha, vakaipamba vakatakura zvinhu zvose zvavakawana mumuzinda wamambo pamwe chete navanakomana vake navakadzi vake. Hakuna mwanakomana mumwe chete akasiyiwa kwaari kunze kwaAhazia mudiki pane vose.
18 Shure kwaizvozvi zvose, Jehovha akarwadzisa Jehoramu nechirwere chisingarapike choura. 19 Nokufamba kwenguva mukupera kwegore rechipiri maura ake akabuda kunze nokuda kwechirwere ichi, uye akafa achirwadziwa zvikuru. Vanhu vose havana kuvesa moto wokumuremekedza sezvavakanga vaitira baba vake.
20 Jehoramu aiva namakore makumi matatu namaviri paakava mambo uye akatonga muJerusarema kwamakore masere. Paakafa hapana akarwadziwa nokufa kwake, akavigwa muguta raDhavhidhi asi kwete kumakuva amadzimambo.
<- 2 Makoronike 202 Makoronike 22 ->