Link to home pageLanguagesLink to all Bible versions on this site
4
Kuraramira Mwari
1 Naizvozvo, sezvo Kristu akatambudzika mumuviri wake, nemiwo muzvishongedze nomurangariro iwoyo, nokuti uyo akatambudzika mumuviri wake akarega chivi. 2 Nokuda kwaizvozvo, haagari upenyu hwake hwose hwapanyika pakuchiva kwavanhu kwakaipa, asi mukuda kwaMwari. 3 Nokuti nguva yakapfuura yakaringana kare yamakapedza muchiita kuda kwavahedheni yamairarama muutere, kuchiva, kudhakwa, kutamba kwakaipa, kuraradza nokunamata zvifananidzo zvinonyangadza. 4 Vanofunga kuti zvinoshamisa kuti imi hamuchapindi pamwe chete navo mukurarama kwokusazvidzora kwavo kuzhinji, uye vanokutukai kwazvo. 5 Asi vachazvidavirira kuna iye akazvigadzirira kutonga vapenyu navakafa. 6 Nokuti nokuda kwaizvozvi vhangeri rakaparidzwa kunyange nokuna vakafa, kuitira kuti vagotongwa nomutoo wavanhu nokuda kwenyama, asi vagorarama nomutoo waMwari nokuda kwomweya.

7 Kuguma kwezvinhu zvose kwava pedyo. Naizvozvo ndangariro dzenyu ngadzichene uye muzvidzore kuti mugogona kunyengetera. 8 Pamusoro paizvozvo zvose dananai norudo rukuru, nokuti rudo runofukidza zvivi zvizhinji. 9 Muitirane rudo kuno mumwe nomumwe wenyu musinganyunyuti. 10 Mumwe nomumwe ngaashandise chipo chaanacho kuti ashandire vamwe, akatendeka muutariri hwenyasha dzaMwari mukuwanda kwadzo. 11 Kana munhu achitaura, ngaadaro somunhu anotaura mashoko chaiwo aMwari. Kana munhu achishumira, ngaazviite nesimba raanopiwa naMwari, kuitira kuti muzvinhu zvose Mwari arumbidzwe kubudikidza naJesu Kristu. Iye ngaave nokubwinya nesimba nokusingaperi-peri. Ameni.

Kutambudzika nokuda kwokuva muKristu
12 Vadikani, musashamiswa nokurwadza kwokutambudzika nemiedzo, sokunge chinhu chisingazivikanwi chaitika kwamuri. 13 Asi farai kuti munogovana naKristu mumatambudziko, kuitira kuti mufare kwazvo pakuonekwa kwokubwinya kwake. 14 Kana muchitukwa nokuda kwezita raKristu, makaropafadzwa, nokuti mweya wokubwinya nowaMwari unogara pamuri. 15 Ngakurege kuva nomumwe wenyu achatambudzika, nemhaka yokuti imhondi, kana mbavha, kana kuti anoita zvimwe zvakaipa zvemhando ipi zvayo, kana kusarega zvavamwe. 16 Kunyange zvakadaro, kana muchitambudzika somuKristu, musanyadziswa, asi rumbidzai Mwari nokuti mune zita iroro. 17 Nokuti inguva yokuti kutonga kutange mumba maMwari; uye kana kuchitanga nesu, zvichazoveiko kuna vaya vasingateereri vhangeri raMwari? 18 Uye,
“Kana zvichiremera akarurama kuti aponeswe,
ko, asingazivi Mwari nomutadzi vachazovei?”

19 Saka zvino, vaya vanotambudzika nokuda kwaMwari vanofanira kuzviisa kuMusiki wavo akatendeka uye vagoramba vachiita zvakanaka.

<- 1 Petro 31 Petro 5 ->