6 Akaita imba yembiru yakanga yakareba makubhiti makumi mashanu§mamita angaita 23 iine upamhi hwamakubhiti makumi matatu*mamita angaita 13.5. Pamberi payo paiva nebiravira, pamberi parowo paine mbiru nedenga rakarembera.
7 Akavakawo imba yechigaro chokutonga, Imba Yokururamisira, umo maaizotongera nyaya, uye akaifukidza nemisidhari kubva pasi kusvikira kumusoro. 8 Muzinda wake waaizogara necheseri, wakanga wakavakwa zvimwe chetezvo. Soromoni akavakirawo mwanasikana waFaro, uyo waakanga awana, muzinda wakafanana nouyu.
9 Dzimba dzose idzi, kubva kunze kusvikira kuchivanze chikuru, nokubva pahwaro kusvikira paberevere, dzakanga dziri dzamatombo anokosha, akavezwa zvakaenzanirana, uye akachekwa nejeko kunze nomukati. 10 Hwaro hwakanga hwakavakwa namatombo makuru anokosha, mamwe akareba makubhiti gumi†mamita angaita 4.5, mamwe makubhiti masere‡mamita angaita 3.7. 11 Pamusoro paiva namatombo anokosha, akavezwa zvakaenzanirana, namatanda emisidhari. 12 Chivanze chikuru chaiva chakapoteredzwa norusvingo rwakanga rune mitsara mitatu yamatombo akavezwa nomutsara mumwe chete wamatanda omusidhari akanyatsovezwa, zvimwe chetezvo zvakanga zvakaita chivanze chomukati chetemberi yaJehovha nebiravira rayo.
15 Akavaka mbiru mbiri dzendarira, imwe neimwe yakanga yakareba makubhiti gumi namasere§mamita angaita 8.2, uye yaipoteredzwa netambo yakareba makubhiti gumi namaviri*mamita angaita 5.5 pakuyera. 16 Akaitawo misoro yembiru yendarira yakanyungurutswa miviri, yokugadzika pamusoro pembiru, musoro mumwe nomumwe wakanga wakareba makubhiti mashanu†mamita angaita 2.3 uyewo nomundima 23 pakukwirira kwawo. 17 Mimbure yengetani dzakarukwa yaiva yakashongedza misoro yaiva pamusoro pembiru, minomwe pamusoro pomumwe nomumwe. 18 Akaitawo matamba mumitsara miviri yakapoteredza mumbure mumwe nomumwe kuti ishongedze misoro yaiva pamusoro pembiru. Akaita zvimwe chetezvo pamusoro pomumwe nomumwe. 19 Misoro yaiva pamusoro pembiru pabiravira yakanga yakaumbwa samaruva amahapa, yakareba makubhiti mana‡mamita angaita 1.8 pakukwirira kwayo. 20 Pamusoro pemisoro yembiru mbiri idzi, nechapamusoro pedumbu rakanga riri parutivi pomumbure, paiva namatamba mazana maviri mumitsara yakapoteredza. 21 Akamisa mbiru pabiravira retemberi. Mbiru yezasi akaitumidza zita rokuti Jakini uye yokumusoro akaitumidza kuti Bhoazi. 22 Pamusoro pembiru paiva nezvishongo zvakafanana namaruva amahapa. Saizvozvo basa rapambiru rakapera.
23 Akaita Gungwa reNdarira yakanyauswa, redenderedzwa rakanga rine upamhi hwamakubhiti gumi§mamita angaita 4.5 pamuromo, uye rakareba makubhiti mashanu pakukwirira kwaro. Zvaitora tambo yakareba makubhiti makumi matatu*mamita angaita 13.7 kuti iripoteredze pakuyera. 24 Pasi pomuromo waro pakanga pane mapfundo akapoteredza, ari gumi pakubhiti, achipoteredza gungwa. Mapfundo aya akaumbwa akanga ari mumitsara miviri, pamwe chete neGungwa.
25 Gungwa rakanga rimire pahando gumi nembiri, nhatu dzakatarisa kumusoro, nhatu kumadokero, nhatu zasi nenhatu kumabvazuva. Gungwa rakanga rigere pamusoro padzo, uye shure kwadzo kwakanga kwakatarisa pakati. 26 Ukobvu hwaro hwaikwana upamhi hwechanza chomunhu†masendimita angaita 8, uye muromo waro wakanga wakafanana nomuromo wekapu, seruva ramahapa. Mukati maro maikwana mabhati zviuru zviviri‡makiromita angaita 44.
27 Akaitawo zvigadziko gumi zvendarira zvaiva namavhiri endarira gumi; chimwe nechimwe chakanga chakareba makubhiti mana§mamita angaita 1.8, upamhi huri makubhiti mana nokukwirira kwacho kuri makubhiti matatu*mamita angaita 1.4 . 28 Zvigadziko izvi zvakanga zvakaitwa seizvi: pakati pembiru dzezvigadziko paiva namagwatidziro mumativi. 29 Pamagwatidziro aya pakati pembiru paiva neshumba, hando namakerubhi, uyewo napambiru. Pamusoro napasi peshumba nehando paiva nezvishongo zvamaruva zvendarira. 30 Chigadziko chimwe nechimwe chaiva namavhiri mana endarira ane maekesero endarira, uye imwe neimwe yaiva nedhishi rakanga riri pamusoro pezvitsigiro zvina, zvakaumbwa zviine zvishongo zvamaruva kurutivi rumwe norumwe. 31 Nechomukati mechigadziko maiva negomba rakanga riri redenderedzwa rakadzika zvinosvika kubhiti rimwe chete†0.5 yemita . Gomba iri rakanga riri redenderedzwa, uye nechigadziko charo raikwana kubhiti nehafu‡0.7 yemita, uyewo nomundima 32 . Pamuromo paro paiva nezvinyorwa. Magwatidziro akanga ane mativi akaenzana, asiri edenderedzwa. 32 Mavhiri mana aiva pasi pamagwatidziro, uye maekesero amavhiri aiva akabatana netafura. Vhiri rimwe nerimwe raiva noupamhi hwekubhiti rimwe chete nehafu. 33 Mavhiri akanga akagadzirwa sokugadzirwa kwamavhiri engoro dzamabhiza; maekesero, marimu, zvipokisi namahabhu zvose zvaiva zvakagadzirwa nendarira.
34 Chigadziko chimwe nechimwe chaiva nemibato mina, pakona imwe neimwe, uye yaibudikira kubva pachigadziko. 35 Pamusoro pechigadziko paiva nechitenderere chakanga chakadzika zvinosvika hafu yekubhiti§0.2 yemita . Zvitsigiro namagwatidziro zvakanga zvakanamatidzwa pamusoro pechigadziko. 36 Akaveza makerubhi, shumba nemiti yemichindwe pazvitsigiro namagwatidziro, napose paigona kuvezwa, nezvishongo zvamaruva kumativi ose. 37 Aya ndiwo magadziriro aakaita zvigadziko gumi. Zvose zvakanga zvakafanana pakuumbwa kwazvo, zvakaenzana pakukura napamaumbirwo.
38 Ipapo akaita madhishi endarira gumi, rimwe nerimwe richipinda mabhati makumi mana*marita angaita 880 uye rakafara makubhiti mana, dhishi rimwe chete richizoiswa pachigadziko chimwe nechimwe chezvigadziko gumi.
39 Akaisa zvigadziko zvishanu zasi kwetemberi, zvishanu kumusoro. Akaisa Gungwa kurutivi rwezasi, zasi kwakadziva kumabvazuva kwetemberi. 40 Hiramu akaitawo poto, foshoro namadhishi.
48 Soromoni akaitawo midziyo yose yaiva mutemberi maJehovha:
- a mamita angaita 46
- b mamita angaita 23
- c mamita angaita 13.5
- d mamita angaita 23
- e mamita angaita 13.5
- f mamita angaita 4.5
- g mamita angaita 3.7
- h mamita angaita 8.2
- i mamita angaita 5.5
- j mamita angaita 2.3 uyewo nomundima 23
- k mamita angaita 1.8
- l mamita angaita 4.5
- m mamita angaita 13.7
- n masendimita angaita 8
- o makiromita angaita 44
- p mamita angaita 1.8
- q mamita angaita 1.4
- r 0.5 yemita
- s 0.7 yemita, uyewo nomundima 32
- t 0.2 yemita
- u marita angaita 880