3 Uku ndiko kuzvidavirira kwangu kuna avo vanondigarira matare. 4 Hatina kodzero yokuva nezvokudya nezvokunwa here? 5 Hatina kodzero yokufamba nomukadzi mutendi here sezvinoita vamwe vapostori navanunʼuna vaShe naKefasi? 6 Kana kuti ini ndoga naBhanabhasi ndisu tinofanira kushanda kuti tirarame?
7 Ndianiko angandorwa muhondo achizviripira mubayiro? Ndianiko angasima munda wamazambiringa uye akasadya mazambiringa acho? Ndianiko angafudza makwai uye akasanwa mukaka wawo? 8 Ko, ndinotaura izvo nokutaura kwavanhu here? Ko, murayiro haurevi zvimwe chetezvo here? 9 Nokuti zvakanyorwa mumurayiro waMozisi, zvichinzi, “Usasunga muromo wenzombe kana ichipura zviyo.” Ko, Mwari ane hanya nenzombe here? 10 Zvirokwazvo anotaura izvi kwatiri, hazvisizvo here? Hongu, zvakanyorerwa isu, nokuti kana murimi achirima, nomupuri achipura, anofanira kuita izvi netariro yokuti achagoverwawo gohwo. 11 Kana isu takadyara zvinhu zvomweya pakati penyu, chingava chinhu chikuru here kana tikakohwa zvinhu zvenyu zvenyama? 12 Kana vamwe vane kodzero iyi yokuwana rubatsiro kubva kwamuri, hatifaniri kutowana zvikuru here?
15 Asi handina kushandisa kana imwe yekodzero idzi. Uye handisi kunyora izvi ndine tariro yokuti muchandiitira zvinhu zvakadai. Zviri nani kuti ndife zvangu pano kuti mumwe munhu anditorere chinhu ichi chandinozvirumbidza nacho. 16 Asi kana ndichiparidza vhangeri, handingazvirumbidzi, nokuti ndinosungirwa kuti ndiparidze. Ndine nhamo, kana ndisingaparidzi vhangeri! 17 Kana ndichiparidza nokuda kwangu, ndino mubayiro; kana ndichiita ndisingadi, ndiri kungoita chete izvo zvandakapiwa kuti ndiite. 18 Zvino mubayiro wangu ndoweiko? Ndiwo uyu, kuti mukuparidza vhangeri ndizviite pasina muripo, uye ndisingashandisi kodzero dzangu mukuriparidza.
19 Kunyange zvangu ndakasununguka uye ndisiri muranda womunhu, ndakazviita muranda wavose, kuti ndiwane vazhinji kwazvo. 20 KuvaJudha ndakava somuJudha, kuti ndiwane vaJudha. Kuna vari pasi pomurayiro ndakava somunhu ari pasi pomurayiro (kunyange ini ndisiri pasi pomurayiro), kuti ndiwane vari pasi pomurayiro. 21 Kuna vasina murayiro, ndakava somunhu asina murayiro (kunyange zvangu ndisina kusununguka kubva pamurayiro waMwari, ndiri pasi pomurayiro waKristu), kuti ndiwane vaya vasina murayiro. 22 Kuna vasina simba ndakava sendisina simba, kuti ndiwane vaya vasina simba. Ndakava zvose kuvanhu vose kuitira kuti ndiponese vamwe nemitoo yose inogoneka. 23 Ndinoita zvose izvi nokuda kwevhangeri, kuti ndigovere maropafadzo aro.
24 Hamuzivi here kuti panhangemutange vanhu vose vanomhanya, asi mumwe chete ndiye anopiwa mubayiro? Mhanyai zvokuti mugowana mubayiro.
25 Vanhu vose vanopinda mumutambo vanozvirovedza zvakaoma. Vanoita izvi kuti vawane korona isingagari; asi isu tinozviita kuti tiwane korona inogara nokusingaperi. 26 Naizvozvo handimhanyi somunhu asina chinangwa; handirwi somunhu anorova mhepo. 27 Kwete, ndinorovedzera muviri wangu uye ndinouita muranda wangu kuitira kuti mushure mokunge ndapedza kuparidzira vamwe, ini pachangu ndirege kushayiwa mubayiro.
<- 1 VaKorinde 81 VaKorinde 10 ->